Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veZanu PF Voronga Kutorera Matanho Vanotengesa Mari paMisika Mitema


Vechidiki veZanu PF vanoti vachapinda mumigwagwa kunoburitsa vari kutengesa mari zvisiri pamutemo.
Vechidiki veZanu PF vanoti vachapinda mumigwagwa kunoburitsa vari kutengesa mari zvisiri pamutemo.

Vechidiki vebato riri kutonga reZanu PF vanoti vari kupa vanotengesa mari pamisika mitema svondo rimwe chete rekuti vange vabuda mumigwagwa mavari kuita basa rekuchinja mari, kukundikana kwavo vanozovatorera matanho akaomarara.

Munyori anoona nezvevechidiki muZanu PF, uye vari mumiriri weGutu South, VaPupurai Togarepi vanoti hurongwa hwavo ndehwekuti munhu wese munyika ange achishandisa mironga iri pamutemo munyaya dzemari.

Vanoti zvinorwadza kuti vanogadzira zvinhu vanoda kutenga zvinhu kunze kwenyika vave kuenda mumigwagwa kunotsvaga mari yekunze iyo yave kushaikwa kumabhanga asi ichiwanikwa mumigwagwa.

VaTogarepi vanoti boka ravo rakatoita kare ongororo izere panyaya iyi, uye vanhu vacho vari kuita zvekutengesa mari pamisika mitemo vave kuziva mazita avo nenzvimbo dzavanoshandira.

Vanoti pari zvino vari kukurudzira kuti vose vari kuchinja mari zvisiri pamutemo ava vaende vega kunoisa mari idzi kumabhanga vasati vatanga kuvatevera.

"Ongororo yedu iri kuenda mberi. Isu tichaenda kunoonana naivavo vari kuchinja mari nekuti tatova kuvaziva, saka toda kunovavhunza ivo. Hatina simba rekuvasunga, asi zviro kwazvo sevana veZimbabwe tinogona kuti aah, izvi hazviitwi," vanodaro vaTogarepi.

Hurukuro naVaPupurai Togarepi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG