Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voti Vanotenda Maruva Vadya Chakata paVimbiso yaVaMnangagwa


Chief Justice Luke Malaba Congratulates Mnangagwa Zimbabwe elections
Chief Justice Luke Malaba Congratulates Mnangagwa Zimbabwe elections

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe vanoti mashoko ataurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa pakuvhura kwavo paramende yechipfumbamwe mashoko akanaka chose, asi chikuru ndechekuti anozoteverwa nezviito here.

VaMnangagwa vaudza nyika pamashoko avo kuvana veZimbabwe kuti hurumende yavo icharwisana zvikuru nehuwori, vachiti hapana munhu achange ari pamusoro pemutemo.

Vatiwo vachaona kuti nyika yave nemari yayo pamwe nekuwanisa vanoda kutanga mabhizimusi munyika mikana yekuita izvi.

Doctor Zembe vanoti VaMnangagwa vaita zvakanaka chose pakukurudzira kuti magariro emunyika ave magariro asina bopoto, uye vanorumbidzwo nyaya yekuti matunhu atungamirirwe nevanhu vemumatunhu aya.

Asi vanoti vaoona sekunge VaMnangagwa vavimbisa vanhu zvakawandisa, izvo hurumende yavo ichatadza kuzadzisa. Ngatinzweyi hurukuro yataita naDoctor Zembe pamusoro penyaya iyi.

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG