Accessibility links

Breaking News

Vagari Vochemachema neKuvharirwa Mvura neKanzuru yeHarare


Kanzuru yeguta reHarare inonzi yakawedzera huwandu hwedzimba dzairi kuvhara mvura nekuda kwezvikwereti.

Vagari vemuHarare vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nekanzuru yavo zvekuvavharira mvura kana vachinge vatadza kubhadhara zvikwereti kukanzuru iyi.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti danho rekuvhara mvura riri kutorwa nekanzuru yeHarare rinoisa vagari munjodzi huru kwazvo pachitariswa matambudziko echirwere chekorera icho chisati chiri kunetsa muguta iri.

Vanoti dambudziko rekuvharwa kwemvura vari kunyanya kurinzwa mumisha inosanganisira Budiriro, uko kwakatangira chirwere chekorera, Glen Norah neKuwadzana.

Mwedzi wapera dare repamusorosoro, reSupreme Court, rakatara mutongo wekuti makanzuru avharire mvura vagari vanenge vaine zvikwereti zvichienderana nemitemo yemaguta avo.

Studio7 yakundikana kubata mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, kuti tinzwe pamire kanzuru panyaya iyi.

Hurukuro naVaPrecious Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG