Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze Vowedzera Huwandu hweZvinhu Zvavanotumira Kubatsira Vari Kumusha


Vari kunze, zvikuru kuSouth Africa, vanonzi vari kutumira zvinhu zvakaita sezvekudya nezvekushandisa kuZimbabwe.
Vari kunze, zvikuru kuSouth Africa, vanonzi vari kutumira zvinhu zvakaita sezvekudya nezvekushandisa kuZimbabwe.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda kunze kwenyika zvinoti zvatotanga kutumira zvekudya nezvekushandisa zuva nezuva kumusha kuedza kubatsira hama neshamwari vave kutatarika kuti vakwanise kurarama zuva nezuva nekuda kwekukwira kwemitengo pamwe nekushaikwa kwezvinhu munyika.

Mutungamiri wesangano revanorarama nekutengesa zvinhu kunze kwenyika, reInternational Cross Border Traders’ Association, VaDenis Juru, vanoti vanhu vakawanda muSouth Africa vave kutumira zvinhu zvakaita sechikafu nemari kumusha vachishandisa vemabhazi nevemichovha.

VaJuru vanoti vave kuonawo zvakare kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kuyambuka miganho yenyika zviri pamutemo kana zvisiri pamutemo vachipinda munyika dzakapoteredza Zimbabwe vachinotsvaga mabasa.

Zvinhu zvakawanda munyika hazvichawanikwe muzvitoro uye mitengo yazvo yakwira zvakanyanya.

Vezvitoro vari kupa zvikonzero zvekuti vari kunetseka kuwana mari yekunze yavanoda kuti vakwanise kutenga nekupinza zvavanotengesa munyika.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG