Accessibility links

Breaking News

MDC Inoendesa Mberi Musangano Wayo Senzira yeKuchema VaCasper Tsvangirai


Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vanga vachitarisirwa kusangana nevamiriri veparamende vebato ravo.
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vanga vachitarisirwa kusangana nevamiriri veparamende vebato ravo.

Bato remdc razivisa kuti rave kuendesa mberi kumusi weChipiri musangano wanga wakarongwa kuitwa neMuvhuro pakati pemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa nenhengo dzeparamende dzebato iri kuitira kupa mukana wekuti nhengo dzebato dzive pakuradzikwa kwemunin’ina wevaimbove mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, VaCasper Tsvangirai.

VaTsvangirai, avo vanga vave nemakore makumi matanhatu nerimwe ekuberekwa, vakashaya mukupera kwesvondo uye vari kutarisirwa kuradzikwa neMuvhuro kumusha kwavo kuBhuhera.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume vanoti musangano uyu wanga wakanangana nekuti VaChamisa vazeye nenhengo dzeparamende idzi zvinotarisirwa kunge zvichizoitwa mudare reparamende pamwe nezvimwe zvakakosha.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vemhuri yekwaTsvangirai kuitira kuti tinzwe zvizhinji nezvekushaya kwaVaCasper Tsvangirai.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG