Accessibility links

Breaking News

Dare Rinotara Zuva Rekunzwa Kupikisana kwaVaNduna naVaKonjana kuChegutu West


VaDexter Nduna ndivo vakakwikwidza vakamirira Zanu PF kuChegutu West

Dare rinotonga nyaya dzine chekuita nesarudzo, reElectoral Court, neMuvhuro rakatara musi wa 24 Gunyana sezuva rarichanzwa nyaya yakakwidzwa kudare iri naVaGift Konjana veMDC Alliance, avo vakakwikwidza musarudzo yemumiriri weChegutu West muparamende.

VaKonjana vari kupikisa zvakaziviswa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, zvekuti VaDexter Nduna veZanu PF ndivo vakakunda musarudzo iyi.

Dare iri ranga rakatarisirwa kupa mutongo waro panyaya iyi neMuvhuro, asi gweta riri kumirira VaKonjana, VaMoses Nkomo veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti dare rakazoendesa nyaya iyi mberi mushure mekunge magweta aVaNduna asvitsa mudare humwe humbowo hwavanga vasina kunge vavasuma paine nguva.

Vanoti magweta aya akasvitsa mudare mamwe maV11 nema V 23 (a) neV23 (b) avanga vasina izvo zvakaita kuti vakumbire dare nguva yekuti vaverengi magwaro aya.

Vanoti pavazodzoka kudare vazowirirana vose kuti dare rishevedze vashandi veZEC kuti vatsanangure nezvavakazivisa mumagwaro ari pamberi pedare, uye kuti vatsanangure kuti vakawana sei mafigiri ari mumagwaro aya.

ZEC yakanga yazivisa kuti VaNduna ndivo vakakunda mushure mekuwana mavhoti anoita zviuru gumi zvine mazana mapfumbamwe ane makumi matatu nemaviri, VaKonjana vachiwana mavhoti zviuru gumi zvine mazana masere ane makumi maviri nemasere.

Asi VaKonjana vari kuti ZEC yakakanganisa mafigiri aya, ichideredza huwandu hwavakawana. ZEC inonzi yakatenda kuti yakakanganisa, izvo zvakazoita kuti izivise VaKonjana kuti vaende kudare.

VaNkomo vanoti kunyange hazvo ZEC yakaona kukanganisa kwayo, mutemo wesarudzo haubvumidzi kuti izvigadzirise yoga, vachiti izvi zvinokwaniswa kuitwa nedare chete.

Studio 7 yakundikana kubata gweta raVaNduna, VaTawanda Zhuwarara.

Hurukuro naVaMoses Nkomo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG