Pasi pe #FiveMoreYears, iyo iri kutenderera pamadandemutande, vatsigiri veZanu PF ava vari kuti mutungamiri wenyika vanofanirwa kupiwa nguva yekupedza zvirongwa zvakaita sekugadziridza hupfumi hwenyika, migwagwa, zvikoro, makiriniki, kuwanisa vanhu mvura uye kusimudzira nhau dzekurima.