Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuMashonaland East Votambira neMufaro Kuvhurwa kweFekitari yeMichero kwaMutoko


Mumiriri weUzumba muparamende, VaSimbaneuta Mudarikwa.
Mumiriri weUzumba muparamende, VaSimbaneuta Mudarikwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vayambira varimi kuti vasashandise zvisizvo mbeu nefotereza zvavanopiwa pasi pechirongwa chekubatsira varimi cheNational Enhanced Agriculture Productivity Scheme.

Vati hurumende yavo haizombozeza kutora matanho kune vanenge vaita zvehuwori.

VaMnangagwa vataura mashoko aya pakuvhura zviri pamutemo kwavaita fekitari yekugadzira zvekudya zvinobva mumichero nemiriwo yeMutoko Royal Fruit and Vegetable Processing Hub pamwe nebhanga richakweretesa vechidiki mari reEmpowerBank Ltd Youth Business Starter Pack kwaMutoko.

Fekitari yeMutoko Royal Fruit and Vegetable Processing Hub, iyo inonzi ichange inogaya matomati pamwe nekusvina mango, inonzi yakaumbwa nebazi revechidiki richitsigirwa nemari yakabva kubhanga reAfrican Development Bank (AfDB), sangano re International Labour Organisation richiona nezvechirongwa ichi.

Mutoko Royal Fruit and Vegetable Processing Hub inonzi chirongwa chevagari nehurumende, uye yakatanga kushanda muna 2019 ichitenga michero nemiriwo zvayaizoisa mumapakiti nekuchengetedza zvichizotengeswa mberi.

Mumiriri weUzumba muparamende, VaSimbaneuta Mudarikwa, vanoti vanotambira nemufaro chirongwa ichi sezvo chichaita kuti varimi vemudunhu ravo vaitirwe pedyo nepekutengesera zvirimwa zvavo, uye chichiwanisawo vechidiki nemadzimai vakawanda vemunharaunda mabasa.

"Chirongwa ichi chakanaka nekuti varimi vedu havachafamba kuenda kuMbare kunotengesa zvinhu vachifamba vari pamusoro pemarhorhi. Zvakare vave kungotakura zvinhu zvichienda kana kuti ivo vefekitari vave kuuya kumunda kuzotora zvinhu zvichienda kufekitari," vanodaro VaMudarikwa.

Panyaya yekuti vamqwwe varimi vanotengesa mbeu nefotereza zvavanenge vapiwa nehurumende, VaMudarikwa vanoti chinhu chakaipa ichocho kuti murimi atengese zvaanenge akapiwa nehurumende asina kupa chibatsiro, vachiti vanhu vanofanirwa kusiyana netsika iyoyo.

Hurukuro naVaSimbaneuta Mudarikwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG