Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanocherechedza Zuva reVarairidzi Pasi Rose Vachiti Vachashanda Zuva Rimwe paSvondo


Masangano mana evarairidzi aungana muHarare achicherechedza zuva reWorld Teachers' Day
Masangano mana evarairidzi aungana muHarare achicherechedza zuva reWorld Teachers' Day

Varairidzi vemunyika vazivisa neMuvhuro kuti vachange vachishanda zuva rimwe chete pasvondo sezvinoenderana nemihoro yavo, iyo vanoti iri pazvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana zvemihoro yavaifanirwa kunge vachiwana.

Izvi zvabuda pamhemberero dzekucherechedza zuva revarairidzi pasi rose, reWorld Teachers’ Day, dzaitwa muHarare nemasangano mana evarairidzi, anoti reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe (ARTUZ), Progressive Teachers’ Union of Zimbabwe (PTUZ, Zimbabwe Teachers’ Association (ZIMTA) neTeachers’ Union of Zimbabwe (TUZ).

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti masangano anomirira varairidzi aya atorawo mukana uyu kutaura zvaari kuita semasangano evarairidzi, uyewo zvaanotarisirawo kubva kuhurumende.

Masangano aya anonzi atorawo mukana uyu kuyeuchidza hurumende kuti igadzirise zvichemo zvevarairidzi panyaya yemihoro nemashandiro avo, uye kusimbisa hondo yekurwisana nedenda reCovid-19 muzvikoro.

Gurukota idzva redzidzo, Doctor Evelyn Ndlovu, vanonzi vange varipowo pachiitiko ichi, uye vanonzi vati chinangwa chavo ndechekudzosera chiremera chevarairidzi.

Vanonzi vakurudzirawo varairidzi kuti vaende kumabasa mazuva ose vachiti hurumende iri kutarisa zvichemo zvavo.

Zuva reWorld Teachers’ Day rakacherechedzwa pasi rose svondo rapera neChipiri musi wa 05 Gumiguru pasi pedingindira rinoti “Teachers at the Heart of Education Recovery,” iro rakanangana nekucherechedza kusaneta kwevarairidzi, zvikuru munguva ino yedenda reCovid-19.

Hatina kukwanisa kubata Doctor Ndlovu kuti tinzwewo kubva kwavari segurukota redzidzo.

Asi VaMasaraure vanoti varairidzi vatambira nemufaro chivimbiso chegurukota redzidzo chekuda kudzosera chiremera chavo, asi vachamirira kutanga vanona kana zvakazadziswa ivo vozoendawo kumabasa mazuva ose.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG