Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti VaSybeth Musengezi ,Vari Kupikisa Kudomwa kwaVaMnangagwa Kuti Vabate Matomu, Vakabuda muBato Iri Kare


VaSybeth Musengezi, avo vari kupikisa kukwidziridzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa kuti vafanobata matomu.
VaSybeth Musengezi, avo vari kupikisa kukwidziridzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa kuti vafanobata matomu.

Bato reZanu PF rinoti vari kuzviti inhengo yebato iri, VaSybeth Musengezi, avo vakaenda kumatare edzimhosva vachipikisa kusarudzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa kuti vafanobata matomu vachiti kwaive kunze kwemutemo, havachisiri nhengo sezvo vakabuda mubato iri kare.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti bbato ravo haritombozivi kuti VaMusengezi ndiyani.

"Zita iroro handisati ndambosangana naro mu membership yeZanu PF. Zvekare, mungangoda kuziva kuti kana muchida kuona kuti inhengo yeZanu PF tarisai chiso chake, mutarise mapfekero, matauriro nemafambiro, nezvaanorwira, nezvinomutorera nguva, zvinokuratidzai kuti haasi nhengo yeZanu PF."

VaMugwadi vanoti nhengo dzebato ravo dzine dzidziso yadzinopiwa kuChitepo School of Ideology dzinoziva mafambisirwo anoitwa basa.

"VaSybeth tinomuziva chiri chikomana chakapandukira musangano panguva yakapanduka VaTsenengamu vakanofoma bato ravo. Handizivi kuti nyaya dzekuZanu PF unodziwanepi? asizve kune vari kumutuma kana vanoshanda naye vangangoda kuziva kuti isu hedu nemaziso makuru atinawo anpfamba masikati neusiku tichange tichiongorora kuti anoziva here mwana iyeyu nevari kumutuma kuti zvaari kuita zvine ma disastrous legal consequences nokuti ari kutanisha zita remusangano kwaasiri," VaMugwadi vanodaro.

Vanoti zvinhu zvinosungisa, vachiti zvakakosha kuti VaMusengezi vange vachizviziva.

Asi vaMusengezi vanoti havana chakutya panyaya iyi sezvo vari nhengo yeZanu PF izere.

"Inini ndakajoina Zanu PF ndiri mwana mudiki, ndiri Form 3. Nhoroondo yangu yemu party haide kuti ndiudzwe nemumwe munhu kuti handisi munhu weZanu PF nekuti zvandakaita ndinozviziva, ende zvizhinji zvine evidence. Ndine mapepa ekubva ndichitanga kurejisita ma membership cards. Zvese zvinochengetwaka, zviripo."

VaMusengezi vanoti vakamirira kuti ivo vari kuti havasi nhengo yeZanu PF kuti vachienda kumatare edzimhosva vachinootaura kutimunhu uyu haasi nhengo yedu, vozotangira kubva ipapo.

Vanoti vachakamirira kunzwa divi raVaMnangagwa panyaya yavakasvitsa kudare iyi, vachiti magweta aVaMnangagwa ane mazuva gumi ekuti ange asvitsa kudare divi ravo vachipikisa kana kutambira zvavakasvitsa kudare zviri mumagwaro avo.

VaMusengezi vakaenda kudare repamusoro reHigh Court vachinyunyuta kuti musangano weZanu PF weCentral Committee wakaitwa muna 2017, uyo wakasarudza VaMnangagwa kuti vafanobata matomu, wakaitwa zvisiri pamutemo sezvo VaMnangagwa vakanga vasisiri nhengo yebato iri mushure mekudzingwa kwavo.

Vanotiwo zvakare musangano uyu waifanirwa kutungamirirwa nevaive mutungamiri webato mushakabvu VaRobert Mugabe kana kuti vaive mutevedzeri vavo VaPhelekezela Mphoko.

VaMusengezi vanoti vari kutambira pano nepapo mashoko nenhare kubva kuvanhu vavanoti vari kuvatyisidzira, asi vanoti izvi hazvisi kuvavhundutsa sezvo izvi zviri kuitwa nevanhu vavanoti vari kuda kungoonekwa nemukuru wavo kuti vane zvavari kuita zvekuvatsigira.

Vanoti havasati vaenda kunomhang'ara kumapurisa kuvhundutsirwa kwavari kuitwa sezvo zvisiri zvinhu zvavangati zvakanyanya kukura.

Hurukuro naVaSybeth Musengezi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG