Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuzadzisa Kurudziro yaAmai Douhan Yekuti Pave neNhaurirano


Nhumwa yeUniited Nastions, Amai Alena Douhan
Nhumwa yeUniited Nastions, Amai Alena Douhan

Vamwe vemapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira vanoti gwaro reongororo yenhumwa yeUnited Nations yanga iri munyika ichinzwa nekuona kuti zvirango zvinonzi nehurumende zvakatemerwa nyika zviri kukanganisa zvakadii raramo yeveruzhinji, Amai Alena Douhan, rinoburitsa pachena kuti munyika zvinhu hazvina kugadzikana nekudaro hurumende inofanirwa kutora matanho.

Asi vamwe vanotsigira hurumende vanotiwo gwaro iri riri kuburitsa pachena kuti zvirango zvakanganisa nyika zvakadii uye kuti zvinofanirwa kubviswa pasina kutemera nyika zviga zvekuti itange yazadzisa.

Mumwe wevari kuti zvirango izvi zvibviswe pasina zviga, Doctor Simba mavaza veZanu PF, vanoti vanotambira nemufaro gwaro raAmai Douhan iri vachiti ongororo yaAmai Douhan yanyatsoratidza pachena kuti zvirango izvi zviri kudzvinyirira veruzhinji, nekudaro zvinofanirwa kubviswa.

Asi mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanoti zvirango izvi zvisati zvabviswa hurumende inofanirwa kutanga yazadzisa zvakamboita kuti zvirango izvi zvivepo pakutanga zvakafanana nekuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nekutevera bumbiro remitemo.

Muongororo yavo, Amai Douhan vakakurudzira kuti zvirango zvibviswe, asi vachitiwo munyika munofanirwa kuve nenhaurirano dzakarongeka pamusoro pekuvandudzwa kwezvematongerwo enyika, kodzero dzevanhu pamwe nekuremekedzwa kwebumbiro remitemo.

Asi mubvunzo uripo ndewekuti ongororo iyi ine zvainoshandura here pachitariswa kuti nyika dzinonzi dzakatemera Zimbabwe zvirango dziri kuti zvirango izvi hazvina kunangana nehurumende, asi kuti zvakanangana nevanhu vari kutyora kodzero dzevanhu, kuita zvehuwori pamwe nemakambani anonzi ari kudyidzana nehurumende?

America yagara ichikurudzira hurumende kuti iite zvose zvainotarisirwa kuita zvakadai sekuremekedza kodzero dzevanhu kana ichida kuti zvirango izvi zvibviswe.

VaNgarivhume vanoti havaoni nyika dzakatemera zvirango vanhu ava pamwe nemakambani vachizvibvisa nekuti huwori hwanyanyisa munyika uye hamuna shanduko pane zvakakoka zvirango pakutanga.

Panyaya yenhaurirano dzakarongeka, Doctor Mavaza vanoti munyika mune hurukuro dzakarongeka nechekare kuburikidza negungano rePolitical Actors Dialogue, POLAD, iro rine vamwe vatungamiri vakakwikwidza musarudzo muna 2018.

Asi VaNgarivhume vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaita zvekushara vanhu vavanoda kuti vapinde muPOLAD vachisiya vamwe vakaita semutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.

VaChamisa vagarawo vanoti vari kukurudzira kuti vaite nhaurirano naVaMnangagwa kuti zvinhu zvigadzirisike, asi VaMnangagwa vari kuti VaChamisa kana vachida nhaurirano navo ngavapindewo muPOLAD mune vamwe.

Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vachinyorawo padandemutande reTwitter, vatiwo vanofara zvikuru negwaro renhumwa yeUnited Nations iri, vachiti chokwadi chinosiririsa ndechekuti zvirango zviri kupfumisa vapfumi zvichiwedzera hurombo muvarombo.

Hurukuro naDoctor Simba Mavaza pamwe naVaJacob Ngarivhume
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG