WASHINGTON D.C. —
Zimbabwe yazvicherera gomba munzira yayo yekuenda kuQatar gore rinouya kumafainari e2022 World Cup zvichitevera kurohwa kwaitwa chikwata chema Warriors 3-1 neGhana kwakare kuGhana.
Zvibodzwa zveGhana zvabva kuna Kudus Mohammed, Thomas Partey na Dede Ayew, kuchitiwo cheZimbabwe chichibva kuna Knoweledge Musona.
Zimbabwe ndiyo iri pasi mugungano regroup G zvekuti kukundwa kwayaita zvakare kwatowedzera kunyura kwayo mumadhaka.
Mutambo wechipiri pakati pezvikwata izvi uri kutarisirwa neChipiri munhandare yeNational Sports Stadium muHarare.
Facebook Forum