Mufundisi wekereke yeJesus Revelation Ministries, Apostle Talent Chiwenga, avo vanozivikanwa zvikuru nekushoropodza kwavo hurumende pamwe nevamwe vakuru muhurumende, vanoti vakamanikidzwa kutiza munyika vachityira hupenyu hwavo vachiti pane vanhu vaivateveredza.
Apostle Chiwenga vanoti hurumende yakavaisa muchipoka chevanhu vainoti vasingade nyika yavo, izvo zvave kuita kuti vashungurudzwe siku nesikati vachiteverwa nevanhu vane dzimotokari dzisina manhamba, vamwe vachifambafamba panze pemba yavo uye kushandisa drone kusora zvinenge zvichiitika mukati meyadhi yavo.
Vanoti kushungurudzwa kwavo nehurumende kwakatanga muna 2016 kusvika pari nhasi.
Apostle Chiwenga vanoti muna 2018 vakatorwa nemasoja anochengetedza mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, avo vavanoti mukoma wavo, vakavashungurudza kwemaawa matatu kumusha kwavo kuHwedza.
Mugore iroro, mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaChiwenga vakataura Mufundisi Talent Chiwenga nezita vachivati vasiyane netsika yekushoropodza vakuru vehurumende vachihwanda nechitendero.
Muna 2019 Apostle Chiwenga vakapona mutsaona yemotokari yakaura mudzimai wavo Amai Rejoice Chiwenga pamwe nevamwe vanhu vaviri kuMasvingo.
Muna 2020, vakapona zvakare mune imwe tsaona yemumugwagwa yavanoti yakaitikira pedyo neNorton, pakafa vanhu vatatu kusanganisira mutyairi wemotokari yakaroverana neyavo,uyo vanoti aive musori.
Apostle Chiwenga, avo vasina kuda kudoma nyika yavakatizira, vanoti vakamhang’ara zviitiko zvose zvekushungurudzwa kwavo izvi kumapurisa asi hapana matanho akatorwa.
Asi mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti havana kumbobvira vawana mashoko ekuti hupenyu hwaMufundisi Chiwenga hwaive munjodzi.
Assistant Commissioer Nyathi vati vabvunza kumakamba ose emapurisa vakanzwa kuti hapana kana kune nyaya dzakadaro.
Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa kuti tinzwewo divi rehurumende panyaya iyi.
Facebook Forum