Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti dzinowirirana nemashoko akataurwa negurukota rezvemari, Muzvanafundo Mthuli Ncube, ekuti zvigadzirwa zvemunyika zvakakwira mumwedzi mipfumbamwe yekutanga kwegore rino kubva muna Ndira kusvika muna Gunyana.
Muzvinafundo Ncube vakataura mashoko aya svondo rapera kuVictoria Falls kumusangano wekunzwa pfungwa dzeevanhu pahurongwa hwebhajeti regore rinouya wavakaita nenhengo dzedare reparamende.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vanowirirana nemaonero aya, vachiti zviri kuoneka kuti makambani ari kuwedzera zvigadzirwa zvaanoburitsa.
Mumwe anoti anowririrana nemashoko aMuzvinafundo Ncube imwe nyanzvi mune zvehupfumi Doctor Tapiwa Mashakada, avo vanoti muono uyu wakanaka kunyange hazvo zvisati zvasvika chaipo pavanotarisira.
Doctor Mashakada vanoti makambani ane zvigadzirwa zvasimukira zvinooneka anosanganisira anogadzira chikafu, vanogadzira midzanga yefodya, zvinwiwa, mishonga nezvimwe zvakadaro zvinenge zviri kutengwa chaizvo asi zvisiri kushaikwa kuratidza kuti zviri kugadzirwa zvakawanda.
Doctor Chitambara naDoctor Mashakada vanowirirana vose kuti kunaya zvakanaka kwemvura mwaka uno pamwe nekusadzimwadzimwa kwemagetsi zvakabatsira mukuwedzera huwandu hwezvigadzirwa mumakambani emunyika.
Asi maonero enyanzvi idzi anopesana nemaonero eimwe nyanzvi mune zvehupfumi ichishanda yakazvimirira, VaMasimba Kuchera, avo vanoti pane dambudziko rekuti gurukota rezvemari VaNcube vari kutarisa manhamba vasiri kutarisa kuti kana zvigadzirwa zviri kuwanda mitengo yazvo iri kuzodzikawo here muzvitoro, izvo zvinozobatsirawo veruzhinji.
VaKuchera vanoti zvinhu zvakaita sekushaikwa kwemagetsi nemitemo yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 zvakadzosera zvinhu kumashure munyaya dzekushanda kwemakambani.
Ukowo, Doctor Mashakada vanoti kunyange hazvo zvinhu zvave kusimukira mumakambani, chishuwo chavo ndechekuti makamba anogadzira mbatya nemagumbeze akaita saana David Whitehead ashande zvaaiita kare uye vanhu vawaniswe mabasa.
Vanotiwo kana zvirango zvinonzi zvaktemerwa nyika zvakabviswa, zvinhu zvinokwanisa kuenda pane chimwe chinhanho sezvo makambani akawanda achizokwanisa zvakare kuvhura uyewo vamwe vanodawo kutanga makambani munyika vachikwanisawo kuita izvi, vachiti dai hurumende yaramba ichivhura hupfumi hwenyika uye mamiriro ezvinhu mukutangwa kwemabhizimusi matsva kwovandudzwawo.
Doctor Chitambara vanotiwo chimwe chiri kudzorera shure kusimuka kwemakambani inyaya yemichina ichiri kushandiswa, iyo vanoti yakwegura zviri kuita kuti mitengo yezvogadzirwa zvacho izodhura.
Kunze kwekunge zviri kuchemwa nevamwe vari kuti zvinhu hazvisi kufamba nenhanho dzinotarisirwa zvagadziriswa, tarisiro yekuti makambani ange ave kushanda ari pazvikamu makumi matanhatu nechimwe kubva muzana panopera gore rino inogona kuramba chiri chiroto.
Facebook Forum