Accessibility links

Breaking News

VaSolomon Tembo Vokwikwidza Zvakare Chigaro chaMeya weAllentown


VaSolomon Tembo vari kukwikwidza kuve meya vedhorobha reAllentown mudunhu rePennsylvania muAmerica
VaSolomon Tembo vari kukwikwidza kuve meya vedhorobha reAllentown mudunhu rePennsylvania muAmerica

Vagari vemudhorobha reAllentown riri mudunhu rePennsylvania muAmerica vari kupinda musarudzo yekutsvaga meya weguta ravo nemusi wa 02 Mbudzi zvichitevera kukandwa mujeri kwevaive meya, VaEd Pawlowski, avo vari kupika makore gumi nemashanu mushure mekuwanikwa vaine mhosva dzakawanda dzinosanganisira huwori.

Mumwe mugari wemuAllentown ari chizvarwa cheZimbabwe, VaSolomon Tembo, ndemumwe wevari kukwikwidza musarudzo iyi vachikwikwidzana naVaMatt Tuerk vebato reDemocratic Party pamwe naVaTim Ramos vebato reRepublican Party.

VaTembo vari kukwikwidza vakazvimirira musarudzo iyi.

VaTembo, avo vakambokwikwidza zvakare musarudzo yameya yakaitwa muna 2017 asi vakakundikana kuwana mavhoti ane mutsindo, vanoti rwendo rwuno vanotarisira kuita zvakanaka vachiti vachashandisa zvidzidzo zvavakawana kubva musarudzo yekutanga.

Svondo rapera varume vatatu vari kukwikwidzana ava vakapinda mugakava kana kuti debate raikokerwa nesangano rinorwira kodzero dzevanhu re National Association for the Advancement of Colored People, NAACP.

Gakava iri raitarisa misoro yenyaya yakasiyanasiyana inosanganisira nyaya dzedzidzo, kodzero dzevanhu, denda reCovid-19 pamwe nekuti poderedzwa here kana kuti kwete homwe yemari inobatsira mapurisa.

Panyaya yekuti ivo munhu mutema, izvo zvinogona kuita kuti vasavhoterwe, VaTembo vanoti havatarisire kuti nyaya yeganda ingave chimhingamupinyi musarudzo iyi, vachiti musarudzo yadarika vakavhoterwa nevemamwe marudzi vakawanda zvisineyi nekuti ivo mutema here kana kuti muchena.

HURUKURO NAVASOLOMON TEMBO
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG