Accessibility links

Breaking News

Kambani yeAnjin Inoudzwa Kuti Ibatsire Vagari Munharaunda Yairi Kuchera Mangoda


Vamwe Vagari veChiadzwa
Vamwe Vagari veChiadzwa

Vagari vekwaChiadzwa, mudunhu reManicaland, nezuro vakaratidzira uye vakamisa kucherwa kwemangoda nevashandi vekambani yeku China, yeAnjin Investiments, vachinyunyuta kuti iri kungomora hupfumi mwemudunhu ravo asi isina zvairi kuitirawo vagari.

Vagari ava vaive nezvinyorwa zvakasiyanasiyana zvinoshoropodza mashandiro ari kuita Anjin mudunhu mavo, zvinosanganisira kuti haisi kuremekedza chivanhu chavo, yakaparadza chikoro cheChirasika, pamwe nekuti haina kuita nemazvo hurongwa hwekuti itange zvakare kushanda.

Mumwe wevagari vakaratidzira nezuro, VaMoses Mukwada, vanoti chakanyanya kutsamwisa vagari ndechekuti kambani iyi, iyo yakambenge yamiswa kushanda, yakadzoka ichisvikobikisa madzishe doro rechivanhu pasina kugara pasi nevanhu vari munharaunda dzeChiadzwa neMukwada dziri kucherwa mangoda aya.

Vakange vachiratidzira ava vanonzi vakarasa doro iri, uye masoja ndiwo anonzi akazodzinga vanhu vairatidzira ava.Studio 7 yakundikana kubata mutauriri weAnjin Investiments, VaAmon Mhlanga, kanawo ishe Marange, kuti tinzwe mativi avo panyaya iyi.Asi vaMukwada vanoti vagari vacharamba vachiratidzira kusvika zvavari kuda zvaitwa nekambani iyi, zvinosanganisira kuti kambani iyi iite budiriro munharaunda dziri kucherwa mangoda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG