Accessibility links

Breaking News

Muzvinabhizimusi Ari muAmerica Obatsira Vadzidzi neKuvapa Mabasa


VaAugustine Gus Mhlanga
VaAugustine Gus Mhlanga

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvakawanda zvinobatsirana nenzira dzakasiyanasiyana kuitira kurerutsa ndima, zvikuru kune vatsva vanenge vachangosvika kubva kumusha.

Mumwe wevari kubatsira vanenge vabva kuZimbabwe vachienda kunze kwenyika, zvikuru vana vechikoro vanopinda muAmerica, ndaVaAugustine “Gus” Mhlanga, avo vari kuTucson mudunhu reArizona.

VaMhlanga vane kambani yavo inoita zvekutamisa vanhu pamwe nekuchengeta midziyo, inonzi “SWIFT AND GENTLE MOVING AND STORAGE” iyo vanoti vakatanga muna 2010.

Kuburikidza nekambani yavo iyi, VaMhlanga vanopinza mabasa vana vechikoro vanenge vabva kumusha senzira yekuti varerukirwe nehupenyu panguva imwechete vachiwanawo cheuviri kuti vakwanise kuzviriritira vari kure nevabereki vavo.

Vanoti mhodzi yekubatsira vamwe yakadyarwa mavari nevabereki vavo, avo vaibatsirawo dzimwe hama kuburikidza nekudzichengeta dzimwe dzichiendeswa kuchikoro.

VaMhlanga, avo vakaita zvidzidzo zvemari, vanoti kuti vasvikewo pavave nhasi vakatobatsiorwawo nedzimwe shamwari dzavo mbiri, VaBob Mahari naVaLloyd Jiro, vavanoti ndivo vakavapa hwaro hwekutanga bhizimusi ravo.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi Jonga kandemiiri westudio 7 aita hurukuro naVamhlanga kuti tinzwe nezvemabasa akanaka avari kuita.

Hurukuro naVaAugustine Mhlanga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG