Accessibility links

Breaking News

Musangano weZanu PF weNational Conference Wotarisirwa Kutanga neChitatu kuBindura


Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF
Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF

Bato reZanu PF rinoti rakaendesa mberi kumusi weChitatu 25 Gumiguru zuva rekutanga musangano waro weNational People’s Conference kuitira kaderedza mazuva achaungana nhengo dzaro kumusangano wepagore uyu.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti vakatora danho iri semamwe ematanho ekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19, uye kuitira kupa mukana kumatunhu makuru kana kuti ma province ebato iri nguva yekupedza gadziriro yawo.

Musangano uyu waifanirwa kutanga neMuvhuro 25 Gumiguru kuBindura mudunhu reMashonaland Central, uchipera musi wa 31 Gumiguru.

Vamwe mubato iri vanoti bato rasvika pakutora danho iri sezvo zvinhu zvisina kugadzikana, vachiti maita zvikwata zviviri zviri kudhonzerana, chimwe chichinzi chiri kutsigira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nechimwe chinonzi chiri kutsigira mutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga.

Asi VaMugwadi vanoti manyepo kuti mubato ravo mune zvikwata zviri kudhonzerana. Dingindira regore rino rinoti "Growing and Modernising the Economy towards Vision 2030", kana kuti kukudza pamwe nekuvandudza hupfumi takananga kutarisiro ya 2030.

Musangano uyu unotarisirwa kukurukura nyaya dzinosanganisira mamiriro ebato iri, mamiriro ehupfumi hwenyika, nyaya dzechikafu nezvimwe.

HURUKURO NAVATAFADZWA MUGWADI
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG