Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe VaTembo, Vanokundwa muSarudzo dzaMeya weAllentown muAmerica


VaSolomon Tembo vakakwikwidza vakazvimirira musarudzo yameya veAllentown muPennsylvania muAmerica

Nemusi weChipiri mamwe matunhu emuAmerica akaita sarudzo dzekutsvaga magavhuna nemameya kusanganisira mudunhu rePennsylvania, uko chizvarwa chekuZimbabwe, VaSolomon Tembo, vakakwikwidza musarudzo yameya wedhorobha reAllentown.

VaTembo vakakundwa naVaMatt Tuerk veDemocratic Party mushure mekuwana mavhoti mazana maviri nemakumi maviri nemasere (228), VaTuerk vachiwana mavhoti zviuru zvinomwe nemazana matanhatu ane makumi mapfumbamwe (7, 690), vachiteverwa na VaTim Ramos veRepublican Party avo vakawana mavhoti zviuru zvina nezana nemakumi mapfumbamwe nemanomwe (4, 197).

VaTembo vakambokwikwidza zvakare musarudzo yameya wedhorobha ravo muna 2017 vakakundwa zvakare naVaEd Pawloski veDemocratic Party, avo vakazokandwa mujeri mushure mekubatwa nemhosva dzehuwori.

Musarudzo dzemagavhuna, mudunhu reVirginia VaGlenn Youngkin veRepublican Party vakakunda VaTerry McAuliffe veDemocratic Party kuchitiwo mudunhu reNew Jersey kwanga kuchine mangange pakati pagavhuna VaPhil Murphy veDemocratic Party nevari kuvakwikwidza VaJack Ciattarelli veRepublican Party.

Musarudzo yameya weNew York City, VaEric Adams vebato reDemocratic Party ndivo vachave meya wechitema wechipiri munhoroondo yeguta iri mushure mekukunda kwavo musarudzo.

Vakawanda vanotevera zvesarudzo vanoti zviri kubuda musarudzo idzi zvinogona kunge uri munongedzo wemamiriro ezvinhu muna 2022 pakati pemapato eDemocratic Party neRepublican Party, apo pachaitwa sarudzo dzepamende dzematunhu akawanda.

Vamwe vari kuona sekunge bato riri kutonga reDemocratic Party rave kurasikirwa nerutsigiro sezvo vamwe vari kunyunyuta kuti hurumende yaVaJoe Biden haisi kuvaitira zvavanotarisira.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muDallas mudunhu reTexas, VaGodfrey Kurauone, vanoti mafambiro akaita sarudzo idzi anoratidza hutongo hwejekerere muAmerica sezvo pasina kurwisana kana kushungurudzwa kwevanopikisana sezvinoitika kune dzimwe nyika kusanganisira Zimbabwe.

VaKurauone vanoti kukundwa kwaVaTembo musarudzo yavakakwikwidza chinhu chisina basa sezvo zvakakosha zviri zvekuti chizvarwa cheZimbabwe chakatombokwanisawo kusvika pakukwikwidza pachigaro chameya, vachiti zvinokurudzira vamwe vari munyika dzakasiyanasiyana kuti vakwikwidzewo musarudzo dzematunhu avo.

Hurukuro naVaGodfrey Kurauone
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG