Vanhu vanodarika zana vaive vashandi vepapurazi reMapunga riri kuBindura, kuBindura kudunhu reMashonaland Central, vanonzi vave kugara pamhene zvichitevera kuburitswa kwavakaitwa mudzimba dzepapurazi iri nechikonzi chedare nemusi weChina.
Mumwe mushandi akadzinga papurazi apa asina kuda kudomwa nezita achityira hupenyu hwake audza Studio 7 purazi iri rinonzi nderaVaMafios Dick Kasukuwere pamwe naVaDanny Kasukuwere.
Mushandi uyu ati mhuri dzinodarika gumi neina dzakakandirwa zvinhu zvadzo panze uye havana kunge vapiwa magwaro aibva kumatare edzimhosva achiti vabve papurazi apa.
Mushandi uyu ati mazita evanhu vanonzi vari pamapepa akashandiswa nechikonzi chedare mazita evamwe vanhu vakabva kare papurazi iri, uye vamwe vavo vakatofa kare kare.
Mushandi uyu, uyo ati vose vakaburitsirwa midziyo ava vaive vashandi vepapurazi iri kubva richiri mumaoko evachena, uye vakasiiwawo papurazi iri nevabereki vavo vakafirawo papurazi iri vakavigwapo.
Ati chikonzero chakaita kuti vadzingwe papurazi apa imhaka yekunzi vari kuramba kushanda asi iye anoti vanhu vose vanga vachishanda asi kuti vanga vasiri kubhadharwa mari dzavo paine nguva.
Murume uyu ati mushandi wepasi aitarisirwa kutambiriswa dhoar rimwe rekuAmerica nemasendi makumi matatu pazuva, asi mari idzi dzaizouya kwapera mwedzi mishanu kana mitanhatu dzisina kukwana kana kuti dzaiperera muchibage chavaikwereteswa.
Ati zvinhu zvavo zvakaparadzwa sezvo zvaingoita kukandwa parutivi pemugwagwa unoenda weHarare -Bindura.
Hatina kukwanisa kubata mhuri yekwaKasukuwere kuti tinzwe divi ravo payaya iyi uye VaMafios naVaDanny Kasukuwere vanzi nevashandi ava vari kunze kwenyika.
Facebook Forum