Accessibility links

Breaking News

Munhu Mumwechete Anofa neCovid-19 muNyika Yose


Munhu mumwechete ndiye akafa neCovid-19 nyika yose nemusi weChina.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina manheru kuti munhu mumwechete akafa neCovid-19, uye vamwe makumi maviri nemumwe vakawanikwa vaine denda iri nezuro wakare, vatatu vavo vari vana vechikoro, vaviri kuManicaland nemumwechete ku Matabeleland North.

Kufa kwemunhu mumwe uku kwakasiya huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 hwasvika pazviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi masere nevashanu, kana kuti 4 685.

Huwandu hwevanhu vabatwa nedenda iri kubva zvaratanga gore rapera hwakasvika pazviuru zana nemakumi matatu nezvitatu zvine zana negumi nevaviri, kana kuti 133 112.

Vanhu vakanga vabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 yekutanga vakanga vasvika pamamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu nemakumi mana nezvishanu zvine mazana matatu nevapfumbamwe, kana kuti 3, 345 309.

Vanhu vakanga vabaiwa nhomba yepiri sezvinokurudzirwa vakanga vasvikawo pamamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu nemakumi maviri nezvishanu zvine mazana mashanu ane makumi mapfumbamwe nevanomwe, kana kuti 2, 625 597.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kusvika panopera gore rino senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG