Sangano remubatanidzwa wemasangano evashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kukurudzira hurumende kuti itore matanho pakudzikamisa mitengo yezvinhu munyika, iyo rinoti yave kuramba ichiita murambamhuru kukwira.
Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti mitengo yezvinhu yanyanya kukwira, vachiti mitengo yezvekudya, zvakaita semafuta ekubikisa ayo vanoti marita maviri ave kuita madhora manomwe ekuAmerica, Mazowe marita maviri achida madhora mashanu ekuAmerica, matemba chidimbu chekirogiramu achida madhora gumi nemana ekuAmerica, uyewo nyama.
VaMutasa vanoti kukwira kwemitengo uku kwasiya vashandi vasisasvikira zvinhu zvakawanda sezvo mihoro yavo, iyo vanoti vari kupiwa nemari yemunyika iri pasi zvakanyanya.
Mhuri ine vanhu vatanhatu inonzi yave kuda pamwedzi woga woga mari inoda kusvika kumadhora emunyika zviuru makumi mashanu.
Asi dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti vashandi vakawanda vari kutambira mari iri pasi pemadhora zviuru makumi matatu nezvishanu pamwedzi.
Facebook Forum