NANGO, inoti ine hurongwa hwekugara pasi nemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, kuitira kuti vakurukure kwarinoti kushungurudzwa kwenhengo dzaro nemapurisa
Chimwe chikwata chevechidiki che Under 20 chakatadzawo kuenda kuAngola kunozadzisa mutambo wacho mushure mekunge ZIFA yati yashaya mari zvakare
Mupepeti webepanhau reWeekly Mirror kuChinhoyi, VaDennis Kagonye, vakawanikwa vaine mhosva yekudhinda bepanhau ravo vasina rezinesi
Vashandi veCounselling Services Unit vakasungwa neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekunyora-nyora zvidziro zvechimwe chivakwa muBulawayo
Matikitivha anga akapakata gwaro rekuvabvumidza kusecha anonzi apinda mumahofisi esangano reCounselling Services Unit muHarare
Apex Council inoti iri kuronga kuenda kuHigh Court kuitira kuti dare iri rimanikidze Amai Lucia Matibenga kucherechedza hutungamiri hwayo hutsva
Komiti yeparamende inoona nezvebhajeti rehurumende yasangana neveruzhinji muHarare ichinzwawo zvavanoda kuti zvinge zviri mubhajeti regore rinouya
Madzishe anonzi ari kunyunyuta kuti zvimwe zvezvavakataura mukomiti yemadzishe hazvina kuiswa mugwaro rekupedzisira rakasvitswa kuCOPAC
Musangano uyu unonzi ndiwo wekutanga kuitwa neboka reZEC, uye unonzi wapindwa nevamiriri vemasangano anodarika makumi maviri
Masangano anomirira vatori venhau anoti ari kushushikana zvikuru nekunetswa kuri kuitwa vatori venhau munyika
Kusamira zvakanaka kwezvinhu muhurumende munyaya dzeupfumi kunonzi kwave kutadzisa kufamba zvakanaka kwemabasa ematare eparamende neseneti
VaMangoma vatorwa kubva kumahofisi avo eChaminuka muHarare vachipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe
Sachigaro veApex Council, VaDavid Dzatsunga, vati vasvitsa tsamba yekuzivisa nezvedanho iri kumahofisi egurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga masikati.
Nhengo dzeMDC T dzinoti dziri kuramba dzichishungurudzwa neZanu PF
Kanzuru yeHarare yakatozivisa vagari kuti vachange vasina mvura kusvika mukupera kwesvondo sezvo dambudziko iri rakakura
Amai Matibenga vakanyorera Apex Council nePSA vachiti masangano maviri aya atange agadzirisana kuti ndiyani anomirira vashandi panhaurirano
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana muHarare pamusangano wevatungamiri vemapato ari muhurumende unoitwa neMuvhuro
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati chido chavo kuti sarudzo dzemunyika dziitwe kupera kwaKurume wegore rinouya
VaMugabe vasarirwa nemazuva matanhatu chete ekuti vange vazivisa nezvemazuva achaitwa sarudzo dze by-election kuMatabeland
VaMugabe naVaTsvangirai vasangana kuti vazeye nezvegwaro remitemo iro rave kutarisirwa kuendeswa kuSecond All Stakeholders Conference
Rodhai zvimwe