Accessibility links

Breaking News

ZIFA Yoshorwa Zvikuru Mabatiro Ayo Basa


Anak-anak pengungsi berdiri dekat pagar kawat berduri dalam kompleks Misi PBB di Sudan Selatan (UNMISS) di Juba. (Reuters/Goran Tomasevic)
Anak-anak pengungsi berdiri dekat pagar kawat berduri dalam kompleks Misi PBB di Sudan Selatan (UNMISS) di Juba. (Reuters/Goran Tomasevic)
Vanotevera nhabvu muZimbabwe vanoti vakatsamwa zvikuru mushure mekudzingwa kwechikwata cheZimbabwe chevechidiki mumakwikwi eAfrica Under 17 Youth Championships mushure mekunge chikwata ichi chashayirwa mari yekunotamba kuCongo Brazzaville nemusi weChipiri masikati.

Chimwe chikwata chevechidiki che Under 20 chakatadza zvakare kuenda kuAngola kunozadzisa mutambo wacho mushure mekunge ZIFA yati yashaya mari zvakare.

Zvikwata zviviri izvi zvakatarisana nezvirango zvakaomarara kubva kusangano renhabvu muAfrica reConfederation of African Football, CAF.

ZIFA yakaparadzawo chikwata chemaWarriors mushure mekutadza kwacho kubudirira mumakwikwi e AFCON 2013 achaitirwa kuSouth Africa gore rinouya.

Vamwe vatsigiri venhabvu vanonzi vari kutoronga kunoratidzira kumahofisi eZIFA senzira yekuratidza kutsutsumwa kwavo.

Nyaya yekuparara kwenhabvu munyika yave kuita kuti Zimbabwe ive chiseko pasi rose nekuda kwekukundikana kwayo kubudirira mumakwikwi enhabvu muAfrica nepasi rose.

Imwe nhengo yeZIFA, VaNdumiso Gumede, vaudza Studio 7 kuti Zifa yakakundikana kutumira zvikwata zve Under 17 ne Under 20 kunze kwenyika sezvo isina mari.

VaGumede vati ZIFA ine zvikwereti zvinodarika mamiriyoni mana, zvekuti iri kutoraramiswa nerubatsiro rwairi kupiwa nemutungamiri wayo VaCuthbert Dube.

Asi vamwe vanoti sangano iri rakashandisa mari inodarika mazana masere ezviuru zvemadhora mukuita ongororo ye Asiagate, iyo yakasvitsa mukumiswa kutamba nhabvu kwevamwe vatambi pamwe nevamwe vane chekuita nenhabvu.

Nyaya dzehuwori dzimwewo dzinonzi dziri kuregererwa dzichipinda munhabvu.

Veruzhinji vave kukurudzira hurumende kuti itore matanho zvinhu zvisati zvanyanya kuparara asi dambudziko riripo nderekuti mutemo weFIFA haubvumidzi hurumende kuti dzipindire mukufambiswa kwenhabvu.

Asi vamwe vanoti hapana musiyano uripo pakumiswa kutamba nhabvu neFIFA kwemakore matatu, kana kukundikana kuri kuita zvikwata zvenyika kubudirira.

Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemitambo, uye vari mumiriri weMasvingo Central, VaJeffreyson Chitando, mumwe wevanhu vari kutsigira pfungwa yekuti hurumende ipindire mukugadzirisa dambudziko iri.

VaChitando vati haisi nhabvu chete yaparara munyika, asi kuti mitambo yose kusanganisira tsiva, kiriketi, tenesi neragibhi nemimwe yaimbosimudzira mureza wenyika.

Vakambotungamira sangano rePSL, VaChris Sambo, vati hurumende ndiyo inofanirwa kushorwa panyaya iyi sezvo isina kana danho zvaro rayakatora kubva panyaya yeAsiagate kusvika pakutadza kubuda kwezvikwata zvevechidiki zviuchinotamba kunze.

VaSambo vatiwo ZIFA inofanirwa kungoenda yoga kuFIFA yokumbira kuti imbomira kutamba nhabvu kwenguva yakati kuti ichigadzirisa zvinhu zvayo, kwete kumirira mubhanwa nesangano rinoona nezvenhabvu pasi rose iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG