Accessibility links

Breaking News

Maguta Akawanda Obatwa neDambudziko reMvura


Mvura yodzikira mudhamu
Mvura yodzikira mudhamu
Vagari vemisha yeruzhinji inoti Kuwadzana, Budiriro, Mufakose, Glenview, Glen Norah, Rugare, neKambuzuma vakatarisana nedambudziko rekubatwa nezvirwere zvinokonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena, zvichitevera kuputika kwepombi inotakura mvura kubva kunocheneserwa mvura yeguta reHarare kuMorton Jaffray Water Works ichipinda mumisha iyi.

Kanzuru yeHarare yakatozivisa vagari venzvimbo idzi kuti vachange vasina mvura kusvika mukupera kwesvondo sezvo dambudziko iri rakakura.

Kanzuru yeHarare haisi iyo chete ine dambudziko remvura iri, sezvo guta reBulawayo riri kuchemawo nekushomeka kwemvura mumadhamu matatu anoti Lower Ncema, Insiza ne Inyankuni mushure mekunge mamwe maviri avharwa.

Meya weguta iri, VaPatrick Thaba Moyo, vanoti kana mvura ikasanaya kusvika panopera gore rino, vachavhara zvakare mamwe madhamu maviri.

NeMuvhuro kanzuru yeBulawayo yakaparura chirongwa che “Blue Monday” chekukurudzira kuchengetedzwa kwemvura uye kuunganidza mari yekupedzesa chirongwa chekutakurwa kwemvura kubva muna Insiza.

Vachitaurawo vari kuBulawayo mukupera kwesvondo, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakapomera bato reZanu PF mhosva yekukonzeresa dambudziko remvura muguta iri.

Guta reMhangura rinonziwo ratarisanawo nedambudziko remvura nekuda kwevarimi vakagariswa patsva avo vanonzi vari kuparadza pombi dzinofambisa mvura.

Dzimwe nzvimbo mumaruwa eMasvingo dzinonziwo dzave kunetseka nedambudziko remvura.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemvura, VaSamuel Sipepa Nkomo, kuti tinzwe matanho ari kutorwa nebazi ravo.

Mutevedzeri wameya weguta reHarare, VaEmmanuel Chiroto, vanoti guta ravo richatora nguva risati ragadzirisa dambudziko remvura sezvo vachida mari inodarika bhiriyoni imwe chete yemadhora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG