Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Vanosangana Vachizeya Gwaro reBumbiro

  • Blessing Zulu
  • Jonga Kandemiiri

VaTsvangirai naVaMugabe
Mutungamiri wenyika, Varobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana neChitatu muHarare kuti vazeye nezvegwaro rebumbiro idzva remitemo iro rave kutarisirwa kuendeswa kuSecond All Stakeholders Conference.

Mutungamiri werimwe bato reMDC, uye vari gurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, havana kupinda mumusangano uyu.

Vaviri ava vanonzi vawirirana kuti vachange vari kumusangano mukuru uyu paine chinangwa chekuti pasaitwe mhirizhonga pamusangano uyu.

Musangano uyu unoitika zvichitevera kuwirirana kwakazoita mapato ari muhurumende eMDC neZanu PF kuti gwaro iri richiendeswa kumusangano mukuru uyu, kuti rizeyiwe nevanhu.

Zanu PF yairamba kuti gwaro reCOPAC iri rishandiswe ichiti harina kuiswa zvakabva muvanhu.

Zvichakadaro, komiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo, yeCOPAC, iri kutarisirwa kusangana neChina muHarare kuti ibude nezuva ringaitwa musangano mukuru weSecond All Stakeholders Conference uyu.

Komiti duku iri kuronga musangano uyu yakasangana neChipiri kuti igadzire hwaro hwemusangano weCOPAC neChina, uye kushara nzvimbo ingaitirwa musangano mukuru uyu.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora veMDC T, vaudza Stuio7 kuti gwaro rimwe chete reCOPAC ndiro chete richashandiswa kumusangano weSecond All Stakeholders Conference, kwete zviri kudiwa nebato reZanu PF zvekuti kuburitswe zvakare gwaro rezvakaitika munguva yekunzwa pfungwa dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG