Accessibility links

Breaking News

Madzishe Oramba Zvimwe Zviri Mugwaro reBumbiro Idzva


Paramende
Kunyange hazvo musangano weSecond All Stakeholders Conference wakapera neChipiri muHarare uchinzi wakapera zvakanaka, madzishe anonzi ari kunyunyuta kuti zvimwe zvezvavakataura mukomiti yemadzishe hazvina kuiswa mugwaro rekupedzisira rakasvitswa kuCOPAC.

Madzishe aya anonziwo ari kudawo kuti zvimwe zviri mugwaro rebumbiro iri kare zvivandudzwe.

Mutungamiri wekanzuru yemadzishe muparamende, VaFortune Charumbira, vanonzi vakatotsvitsa zvinyunyuto izvi kuCOPAC, izvo zvinosanganisirawo kuramba kwavo chimwe chikamu chiri mugwaro rebumbiro idzva icho chinoti mutungamiri wekanzuru yemadzishe iyi, anofanirwa kugara kwematemu maviri chete osiya chigaro.

Hatina kukwanisa kubata Ishe Charumbira kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC vachimirira Zanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti komiti yavo ichatambira zvinyunyuto izvi yozvitarisisa zvakakodzera.

Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC vachimirira MDC T, VaDouglas Mwonzora, vati komiti yavo ichangotarisa chete chinyunyuto chekuti pane zvakasiiwa mugwaro rekomiti yaikurukura nezvemadzishe, kwete nyaya yekuti madzishe apinze zvimwe zvitsva mugwaro iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG