Accessibility links

Breaking News

Apex Council Yoendesa Gurukota reVashandi veHurumende kuMatare


Vashandi vehurumende vakapawo hurumende mazuva gumi nemana ekuti igadzirise nyaya dzemihoro, ayo ave kupera
Sangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council rinoti riri kuronga kuenda kudare repamusoro reHigh Court kuitira kuti dare iri rimanikidze gurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, kusangana pamwe nekucherechedza hutungamiri hweApex Council hutsva.

Amai Matibenga vakaramba kuita hurukuro nehutungamiri hutsva hweApex Council huri kutungamirirwa naVaDavid Dzatsunga, vachiti kanzuru iyi itange yagadzirisa makakatanwa ari musangano iri panyaya yehutungamiri.

Sangano reApex Council rakapawo hurumende masvondo maviri ekuti inge yagadzirisa nyaya dzemihoro, kutadza kwayo vashandi votora matanho. Masvondo maviri aya ari kupera nemusi wa 1 Mbudzi.

Ukuwo gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakavimbisa vashandi vehurumende bhonasi gore rino, kunyange hazvo hurumende iri kuti haina mari.

VaDzatsunga vanoti vashandi ndivo vachaona gwara rekutora panopera mazuva gumi nemana avakapa hurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG