Accessibility links

Breaking News

MISA-Zimbabwe Inoshoropodza Kushungurudzwa kweVatori veNhau


Masangano anomirira vatori venhau anoti ari kushushikana zvikuru nekunetswa kuri kuitwa vatori venhau munyika.

Izvi zvinotevera kusungwa nemapurisa kana kushungurudzwa kuri kuitwa vatori venhau apo vanenge vachiita basa ravo.

Masangano anoti MISA-Zimbabwe pamwe neReporters Without Borders ari kushoropodza zvikuru kushungurudzwa kwevatori venhau munyika, uye ari kukurudzira vatungamiri kuti vatore matanho panyaya iyi, sezvo ichinyanya kunangana nevatori venhau vemapepa akazvimirira.

Masangano maviri aya ari kushorawo kushungurudzwa kwevatori venhau vebepanhau reDaily News on Sunday, avo vanonzi vakashungurudzwa nevashandi vevaimbove mutungamiri wevechidiki veANC, VaJulius Malema, mukupera kwesvondo.

Reporters Without Borders inoti mumwedzi yaGunyana naGumiguru vatori venhau vakawanda vakashungurudzwa muZimbabwe.

Kushungurudzwa kwevatori venhau nevashandi vaVaMalema kwashorwawo nevatori venhau vari muSouth Africa vari zvizvarwa zveZimbabwe, avo vakurudzira sangano reZimbabwe Union of Journalists kuti risvitse zviri pamutemo nyunyuto kumuzinda weSouth Africa muZimbabwe.

Mutevedzeri wasachigaro weMISA-Zimbabwe, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio7 kuti sangano ravo richatorawo matanho ekusvitsa nyaya dzekushungurudzwa kwevatori venhau uku kumasangano akaita seSADC neAfrican Union, ayo ari kuyananisa gakava remuZimbabwe.
XS
SM
MD
LG