Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Chido Chavo Ndechekutii Sarudzo Dziitwe Gore Rinouya


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti chinenge chiri chido chavo kuti sarudzo dzemunyika dziitwe kupera kwaKurume wegore rinouya sezvo hurumende isina mari yekuita zvainoda.

VaMugabe vakataura izvi mumapepa avo akakwidzwa kudare repamusoro vachida kukumbira nguva yekuti sarudzo dzematunhu matatu ekuMatebeleland asina vamiriri dze, kana kuti by-elections, idzo vakanzi nedare repamusorosoro vazivise mazuva acho, kuti dziitwe.

Dare repamusorosoro rakatonga kuti VaMugabe vatare mazuva esarudzo dzematunhu anoti Nkayi South, Lupane East neBulilima East, mushure mekunge vaive vamiriri vematunhu aya vakwira kudare vachida kuti kuitwe sarudzo.

VaAbednico Bhebhe-Nkayi South, VaNjabuliso Mguni-Lupane East, naVaNorman Mpofu-Bulilima East, vakadzingwa mubato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, izvo zvakazoitawo kuti vadzingwe mudare reparamende.

Mumapepa avo kudare repamusoro, VaMugabe vakati nyika inoda mari inodarika mamiriyoni makumi mana nemanomwe emadhora kuti paitwe sarudzo idzi, iyo isina.

Vakatiwo referendamu yegwaro idzva rebumbiroremitemo inotarisirwa kuitwa muna Mbudzi wegore rino, izvo zvinozopa nguva yekugadzirira sarudzo muna Kurume.

Kunyange hazvo VaMugabe vachiti chido chavo ndechekuti sarudzo dziitwe muna Kurume, chibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, chinosungira VaMugabe kuti vagare pasi nemumwe wavo, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vowirirana mazuva anofanirwa kuitwa sarudzo. Izvi zvinofanirwawo kutsigirwa neSADC iyo iri kuyananisa gakava remuZimbabwe.

Vamwe vanotiwo mashoko aVaMugabe ekuda kuti sarudzo dziitwe muna Kurume gore rinouya ndeekuda kutenga nguva chete, sezvo vasiri kuda kuti kuitwe sarudzo mumatunhu asina vamiriri aya, uye nyika isina kugadzirira.

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vaudza Studio 7 kuti mashoko aVaMugabe aive ekungoda kukumbira nguva kumatare edzimhosva chete, kwete kuti vatotara nguva yekuti sarudzo dziitwe munyika.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanotiwo VaMugabe vasati vatara mazuva esarudzo vanofanirwa kutanga vawirirana nevamwe vavo muhurumende yemubatanidzwa, sezviri muchibvumirano cheGPA.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG