Accessibility links

Breaking News

VaMangoma Vopomerwa Mhosva Yekuzvidza VaMugabe


mangoma
mangoma
Gurukota rezvemhando dzemoto, uye vari mutevedzeri wemubati wehomwe weMDC T, VaElton Mangoma, vatorwa kubva kumahofisi avo eChaminuka muHarare masikati nematikitivha eku Law and Order Section vachipomerwa mhosva yekutaura mashoko anonzi nemapurisa anozvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaMangoma vanonzi vakataura mashoko aya mwedzi mitanhatu yapfuura pamusangano wavakaita nevatsigiri vebato ravo kuManhenga, mudunhu reMashonaland Central.

Rimwe remagweta ari kumirira VaMangoma, Amai Beatrice Mtetwa, vaudza Studio7 kuti mapurisa ambenge ava kuendesa VaMangoma kuBindura, ndokubva vatevera motokari yavanga vari.

Vati mapurisa azochinja pfungwa pakati perwendo rwavo ndokubva vadzokera zvakare navo pakamba yeHarare Central Police Station apo vambochengetedzwa vasati varegedzwa nemapurisa mushure mekusainiswa gwaro rekuvapomera mhosva.

Kusungwa kwaVaMangoma kunoitika apo chikwata chenhumwa dzaVaZuma chiri munyika kuti chiite hurukuro nemapato ari muhurumende. VaMangoma mumwe wevari kumirira MDC T munhaurirano idzi.

Aka ndekechitatu VaMangoma vachisungwa mukati memakore maviri. Gore rapera vakasungwa kaviri kekutanga vachipomerwa mhosva yehuwori, vakasungwa zvakare kechipiri kwapera masvondo maviri vachipomerwa mhosva yekusafambisa zvakanaka kutengwa kwemamita emagetsi.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vaudzawo Studio 7 kuti kuita kwemapurisa uku kungoda chete kukanganisa hurongwa hwenhaurirano pamwe nemusangano wekuzeya bumbiro idzva remitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG