Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Vanosangana VaNcube Vari kuBulawayo


VaTsvangirai (L) naVaMugabe (R)
VaTsvangirai (L) naVaMugabe (R)
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana muHarare pamusangano wevatungamiri vemapato ari muhurumende, vakawirirana kuti gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vashande nekomiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro remitemo yenyika, yeCOPAC, mukufambisa nyaya dzemusangano we All Stakeholders Conference pamwe nereferendamu.

Vatungamiri ava vanonzi vawiriranawo zvakare kuti vasangane nasachigaro wekomisheni yeZimbabwe Eectoral Commission, VaSimpson Mutambanenge, kuti vakurukure nezvegwaro revavhoti, uye kuti vanzwe kuti komisheni iyi yakagadzirira zvakadii pasati pataurwa nezvesarudzo, idzo dzingangoitwa gore rinouya.

Vanonzi vachasanganawo nekomisheni yezvenhau yeZimbabwe Media Commission, kuitira kuti vakurukure nezvemamwe makambani enhau, zvikuru ehurumende, ayo anonzi achiri kuramba achinyomba vamwe vatungamiri pamwe nemapato ari muhurumende.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vaudza Studio 7 kuti VaTsvangirai vakomekedzawo VaMugabe kuti vagadze nekukasika, VaMorgan Komichi, semutevedzeri wegurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, vachitsiva chinzvimbo chakasiyiwa namushakabvu VaTichaona Mudzingwa veMDC-T.

Mutungamiri weMDC duku, VaWelshman Ncube, vanzi havana kukwanisa kupinda mumusangano uyu sezvo vanga vari kuBulawayo uye vawana shoko rekukokwa kumusangano uyu neMuvhuro masikati.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG