Accessibility links

Breaking News

Mupepeti weNhau Anowanikwa Aine Mhosva yeKudhinda Bepa Rake Asina Mvumo


Controversy as Zimbabwe Media Commission Proposes Monitoring Panel
Controversy as Zimbabwe Media Commission Proposes Monitoring Panel
Mupepeti webepanhau reWeekly Mirror rekuChinhoyi, VaDennis Kagonye, vamiswa pamberi pedare ramejasitiriti muChinhoyi vakawanikwa vaine mhosva yekudhinda bepanhau ravo vasina rezinesi.

Gweta raVaKagonye, VaKudzai Choga, vanoshanda nekambani yemagweta yeMuchineripi and Associates, vati VaKagonye vapiwa mutongo wekuti vabhadhare faindi inoita zana remadhora, kana kugara mujeri kwemwedzi miviri mushure mekunge mimwe mwedzi mitanhatu yasendekwa parutivi kwemakore mashanu.

VaKagonye vakasungwa neChipiri vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo weAccess to Information and Protection Privacy act (AIPPA).

Zvichakadaro, vashandi vatatu veCounselling Services Unit, vakasungwa neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekuchengeta zvinhu zvisingabvumidzwe uye kunyora-nyora midhuri, vaendeswa kuBulawayo nemapurisa uko kunonzi kwakaparirwa mhosva iyi.

Mutauriri wesangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio7 kuti magweta ari kumirira VaFidelis Mudimu, VaZachariah Godi naVaTafadzwa Gesa, atevera vatatu ava apo vanga vachiendeswa kuBulwayo.

VaMafunda vati mapurisa emuHarare azosangana nemapurisa abva kuBulawayo muKwekwe, umo vapiwa vasunga ava vachizoenda navo kuBulawayo.

Mapurisa anzi haasati apomera vatatu ava mhosva zviri pamutemo kunze kwekutaura chete kuti vakapara mhosva iyi kuBulawayo.

Mune imwewo nyaya bato reMDC T rinoti mutevedzeri wemubati wehomwe uye vari gurukota remhando dzemoto, VaElton Mangoma, vapiwa masamanisi nemapurisa ekuvazivisa kuti vanodiwa kudare ramejasitireti kuBindura nemusi weChipiri 13 Mbudzi.

VaMangoma vari kupomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamusangano webato ravo wakaitwa paManhenga kuBindura kwakare gore rapera. VaMangoma vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG