WASHINGTON —
Vashandi vehurumende vapa hurumende maawa makumi mana nesere ekuti imutsiridze nhaurirano dzemihoro, kutadza kwayo kuita izvi, votora matanhu ekuramwa mabasa.
Chisungo ichi chakaitwa neMuvhuro zvichitevera musangano wakaitwa muHarare nesangano rinomirira masangano evashandi vehurumende, reApex Council.
Sachigaro veApex Council, VaDavid Dzatsunga, vati vasvitsa tsamba yekuzivisa nezvedanho iri kumahofisi egurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga masikati.
Asi Amai Matibenga vaudza Studio7 kuti havana ruzivo nezvetsamba iyi kanawo danho ratorwa nevashandi iri.
Masvondo apfuura, Amai Matibenga vakamisa nhaurirano dzemihoro vachiti sangano reApex Council ritange ragadzirisa makakatanwa ari mariri, ayo akakonzerwa nekuramba kutambirwa kwehutungamiri hutsva hwesangano iri nesangano rePublic Service Association, kana kuti PSA.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti PSA hainawo zvakare kupinda mumusangano weMuvhuro uyu.
Vashandi vehurumende vanoti vari kuda kuti mushandi wepasi atambire mari inoenderana nePoverty Datum Line, iyo iri pamadhora mazana mashanu nemakumi matanhatu nemasere.
Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti rwendo rwuno vashandi vazvipira kutora matanho akadzama kana hurumende ikasasimudza musoro.