Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votyisidzira Kubuda muHurumende yeMubatanidzwa


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, neMugovera vakati bato ravo ringangobuda muhurumende yemubatanidzwa kana nhengo dzaro dzikaramba dzichishungurudzwa nevatsigiri veZanu PF.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatsigiri vavo kuZaka, mudunhu reMasvingo,
VaTsvangirai vakati mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, havana zvavari kuita mukumisa mhirizhonga.

VaTsvangirai vakati VaMugabe vanotaura nezverunyararo masikati, asi usiku voimba rwumwe rwiyo.

VaTsvangirai vakatiwo vachagara musangano wechimbichimbi nekanzuru yebato ravo kuti vazeye nezve pfungwa yekubuda muhurumende.

Vakatiwo zvinenge zvisina kunaka kuti vaende kunoita mutungamiri wenyika munzira yavanofamba vachitsika mitumbi yevanhu murwendo rwavo.

VaTsvangirai vakatiwo vanoshuvira kuti sarudzo dzichatevera dzichange dzakachena dzichiitwa murunyararo, uye vanoda kuti dziongororwe nevekunze.

Asi VaMugabe vanoti vanokoka chete madzisahwira avo kuti aone mafambiro anenge achiita sarudzo dzemunyika, kwete masangano nenyika dzinogara dzakavashora.

Vanhu vakawanda vakapondwa mumhirizhonga yakaitika zvichitevera sarudzo dza 2008, izvo zvakazoita kuti VaTsvangirai vabude musarudzo yepiri yekutsvaga mutungamiri wenyika.

Svondo rapera, imwe mhuri yakapisirwa musha wayo mudunhu reMasvingo Central nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF, vanhu vaviri vakatsva zvakaipisisa.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti kuunyange hazvo VaMugabe vari kushora mhirizhonga yezvematongerwo enyika, havasi kutaura nemwoyo wese, sezvo isiri kumira.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaPedzisai Ruhanya, vanoti vanoona VaTsvangirai vachibuda muhurumende yemubatanidzwa sezvavakamboita pasarudzo yakadzokororwa, kana vatsigiri vavo vakaramba vachishungurudzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG