Accessibility links

Breaking News

Komiti yeBhajeti Inoti Zvinhu Zviri Kufamba Zvakanaka


Komiti inoona nezvebhajeti rezvemari yakatenderera nenyika yose ichinzwa pfungwa dzevanhu
Komiti yeparamende inoona nezvebhajeti rehurumende yasangana neveruzhinji muHarare ichinzwawo zvavanoda kuti zvinge zviri mubhajeti regore rinouya.

Komiti iyi yakatendererawo nenyika yose svondo rapera ichipawo mukana kune veruzhinji, avo vanogaronyunyuta kuti hurumende iri kuisa pfungwa dzayo chete mubhajeti, kuti vaisewo pfungwa dzavo.

Sachigaro wekomiti iyi, VaPaddington Zhanda veZanu PF, uye vachimirira Goromonzi North, vati gore rino vari kufadzwa nemisangano yavari kuita neveruzhinji, sezvo vanhu vari kupa pfungwa dzine musoro.

VaZhanda vati zviri kunyanya kubva muvanhu inyaya yekuti hurumende ione nzira dzaingatore mukumutsiridza upfumi hwenyika uye kuti pavhurwe makambani akavharwa pamwe nematsva kuitira kuwanisa vanhu mabasa.

Asi dambudziko guru riri pakushayikwa kwemari nehurumende, izvo zvinozoita kuti zvizhinji zvinobva muvanhu zvisazoshandiswe.

Mune dzimwe nzvimbo zvinonzi vanhu vashoma-shoma ndivo vari kupinda misangano iyi, kunyange hazvo komiti yezvebhajeti iri kuti yakashambadza zvizere nezvehurongwa uhwu.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Reaserach Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vatiwo kunyange hazvo zvizhinji zvinobva muvanhu zvisingazoshandiswi, zvakangokosha kuti vanhu vapihwe mukana uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG