Accessibility links

Breaking News

ZEC Yodzidzisa Masangano Akazvimirira Achadzidzisa Vanhu Kuvhota


ZEC inonzi inoda kuti vose vachadzidzisa vanhu nezvesarudzo vaende nekwairi
ZEC inonzi inoda kuti vose vachadzidzisa vanhu nezvesarudzo vaende nekwairi
Mukugadzirira sarudzo idzo dzingangoitwa gore rinouya, boka reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rapeta musangano wekudzidzisa vachadzidzisa vanhu munyaya dzesarudzo vachibva mumasangano akazvimirira wanga uchiitirwa muguta reBulawayo.

Musangano uyu unonzi ndiwo wekutanga kuitwa neboka reZEC, uye unonzi wapindwa nevamiriri vemasangano anodarika makumi maviri, vazhinji vavo vachibva mumatuunhu eMatabeleland neHarare.

Mumwe musangano wakadai uri kutarisirwa kuitwa mudunhu reManicaland mumazuva mashoma anotevera.

Kutanga kwemwedzi uno, ZEC yakakoka vemasangano akazvimirira vanoda kudzidzisa vanhu nezvesarudzo kuti vanyorese neboka iri, kuitira kuti vazokwanisa kuita izvi zviri pamutemo, uye zvirongwa zvavo zvapasiswa neZEC.

Mutevedzeri wemukuru anoona nezvesarudzo muboka reZEC, VaUtoile Silaigwana, vanoti ivo havachakwanisi kutaura vakamirira ZEC.

Studio7 haina kukwanisa kubata mukuru anoona nezvesarudzo muZEC, VaLovemore Sekeramayi, avo vanzi ndivo vanokwanisa kutaura nesu.

Asi mumwe wevapinda mumusangano uyu uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights Association, VaOkay Machisa, vanoti vanoona musangano uyu wakakosha zvikuru kumasangano akaita seavo.

VaMachisa vanoti vanoona vachizokwanisa kupinda muvanhu vachivadzidzisawo nezvekodzero dzavo uye zvinodiwa kubva kwavari pakuvhota vaine hunyanzvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG