Accessibility links

Breaking News

Nguva Yoperera VaMugabe Yekuti Vazivise Pachaitwa Sarudzo dzeBy-Election


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasarirwa nemazuva matanhatu chete ekuti vange vazivisa nezvemazuva achaitwa sarudzo dze by-election mumatunhu matatu emunyika asina vamiriri veparamende.

Dare repamusoro soro rakatonga kuti VaMugabe vazivise nezvemazuva aya, asi vakakumbira mazuva ekuti vagadzirise nezvenyaya iyi, vakapiwa mazuva makumi matatu ekuti vange vazivisa nezvemazuva aya nedare repamusoro.

VaMugabe pari zvino vari muNew York, kuAmerica kumusangano weUnited Nations General Assembly.

Asi nyanzvi mune zvemitemo uye vari sachigaro weNational Constitutional Assembly, NCA, Professor Lovemore Madhuku, vanoti hofisi yaVaMugabe inogona kuburitsa mazuva aya kunyange hazvo ivo mbune vasipo.

VaMadhuku vatiwo VaMugabe vanogona zvavo kuzochinja zvakare mazuva aya vachiendesa mberi sarudzo idzi mukutenga nguva yekuti dziitwe pamwe chete nesarudzo dzenyika yose idzo dzingangoitwa gore rinouya.

Matunhu asina vamiriri anoti Nkayi South, Lupane East neBulilima East.

Matunhu aya akasara asisina vamiriri zvichitevera kudzingwa mubato reMDC duku pamwe neparamende kwevaive vamiriri vanoti VaAbednico Bhebhe, VaNjabuliso Mguni pamwe naVaNorman Mpofu, avo vakazokwira kumatare edzimhosva.

VaBhebhe vaudza Studio 7 kuti vakamirira nemaziso matsvuku kuona kuti VaMugabe vachabata sei nyaya iyi. Asi vatiwo zvinoworesa mwoyo kuti VaMugabe vari kumirira kuzozivisa mazuva aya iyo nguva yapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG