Accessibility links

Breaking News

NANGO Yoronga Kusangana naVaChihuri


Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri.
Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri.
Sangano remubatanidzwa wemasangano akazvimirira, reNANGO, rinoti rine hurongwa hwekugara pasi nemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, kuitira kuti vakurukure kwarinoti kushungurudzwa kwenhengo dzaro nemapurisa.

Mukuru weNANGO, VaCephas Zinhumwe, vati neChina vakaedza kusangana naVaChihuri kuti vasvitse nhunha dzavo, asi VaChihuri vakati vakanga vakabatikana.

Danho riri kutorwa neNANGO rinotevera kusungwa kwenhengo dzeCounselling Services Unit nhatu nemusi weMuvhuro muHarare dzichipomerwa mhosva yekuchengeta zvinhu zvisingabvumidzwi uye kunyora nyora midhuri muguta reBulawayo.

Nhengo nhatu idzi, idzo dziri kuramba mhosva yadziri kupomerwa, dzakazobvisiswa mari yechibatiso neChina kuti dzikwanise kutongwa dzichibva kudzimba.

Masangano ekodzero dzevanhu akawanda, kusanganisira reHuman Rights Watch, ari kushoropodza maitiro emapurisa aya.

Mugwaro raburitswa nesangano iri, Human Rights Watch yati kusungwa kwenhengo dzesangano iri kunosimudza kutya kwezvingangoitika mberi apo nyika yatarisana nesarudzo.

Muzinda weAmerica muHarare neChina wakashoropodzawo kupinda kwemapurisa mumahofisi esangano reCounselling Services Unit nemusi weMuvhuro.

Muzinda uyu unoti sangano iri rakanyoreswa zviri pamutemo richibatsira vanenge vashungurudzwa, zvisineyi nekuti ndeve bato ripi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG