Mukuru weYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, VaSydney Chisi, vanoti vechidiki vakawanda havasi kuwana dzidziso yekuti vakwanise kuwana rubatsiro rwemari.
Thomas Tafirenyika ‘Mukanya’ Mapfumo, anoti kusainwa kwaitwa bhiri rebumbiro idzva remitemo chinhu chakanaka chose.
Goho remwaka uno regorosi rinotarisirwa kuderera zvakanyanya mushure mekunge varimi vakawanda vegorosi vakundikana kudyara gorosi pakasvika zuva remusi wa 15 Chivabvu
Chirongwa cheZimbabwe Electoral Commission, ZEC, chekunyoresa vanhu kuti vazokwanisa kuvhota chakapera neSvondo paine kunyunyuta nekushoropodzwa kwemafambisirwo achakaitwa
Matare eparamende akatambira bhiri rebumbiro remitemo idzva, izvo zvaita kuti richingomirira kusainwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, chero nguva kuti uchive mutemo
Vatungamiri vemachechi muHarare vanodarika zana vasangana nevamiriri veZEC kuti vakurudzirane kukosha kwakaita kunyoresa kuti vanhu vazokwanisa kuvhota musarudzo dzinotarisirwa kuitwa gore rino
Bato reZimbabwe Freedom Front raparurwa muHarare kuti rigokwikwidza musarudzo dziri kutarirswa kuitwa gore rino.
MDC T iri kutarisirwa kutanga neChishanu muHarare musangano wemazuva matatu wekuronga mitemo yaichatevera mumazuva ayo zana ekutanga yaumba hurumende kana ichinge yakunda musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino
VaMakanyaire vanoti vagari vazhinji vemudunhu reMashonaland West vasiri nhengo dzebato reZanu PF havasi kutomboziva nezvechirongwa ichi.
Dare remakurukota rinonzi rawirirana kuti hofisi yamabharani mukuru wenyika igadzirise nekusakasika zvinyunyuto zviri kubva muvanhu pamusoro pematambudziko avanonzi vari kusangana nawo mukuedza kunyoresaa kuti vazovhota musarudzo
Vamwe vagari vemuBulawayo vanoti havasi kufara nekusashambadzwa zvakasimba kwechirongwa chehurumende chekunyoresa vanoda kuvhota.
Makore mazhinji nyika iri kutarisana nenzara ichizopedzisira yotenga chibage kubva kunze. Gore rino, Zimbabwe iri kutarisirwa kutenga matani 150 000 echibage kubva kuZambia
Bato reMDC T rinoti richatanga neChishanu svondo rino sarudzo dzekutsvaga vacharimirira bato iri musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino
Chirongwa chehurumende chekupinda muvanhu ichivapa mukana wekunyoresa chapinda muzuva repiri neChipiri pasina zvizhinji zvashanduka
Chirongwa chebazi ramabharani mukuru wenyika chekufamba richinyoresa vanhu vanoda kuzovhota musarudzo, chinonzi hachina kutanga zvakanaka.
Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, neChitatu vakazivisa kuti hurumende yakawana mari yechirongwa chekufamba ichinyoresa vanoda kuzovhota
ZCTU inoti kuoma kwezvinhu munyaya dzeupfumi kwaimanikidza kudzikisa huwandu hwematunhu aichaitira mhemberero dzekucherechedza zuva revashandi.
Vamiriri venyika gumi neimwe dzemuAfrica, kusanganisira Zimbabwe, vari kusangana kwemazuva mashanu muHarare vachipana mazano munyaya dzevashandi.
Vamiriri vemapato ezvematongerwo enyika anosvika gumi nemasere vasangana nekomisheni yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti vaonesane panyaya dzine chekuita nesarudzo
MDC T inoti haisi kufara nemashoko ayinoti akaturwa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu nemusi weChina kumhemberero dzekuzvitonga kuzere kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare
Rodhai zvimwe