Accessibility links

Breaking News

MDC T Yoshora Mashoko Ainoti Akataurwa naVaShamu kuMhemberero


VaWebster Shamu vanonzi vakati Zimbabwe yakauya nekudeuka kweropa saka hazvigoni kuti iende nepenzura
VaWebster Shamu vanonzi vakati Zimbabwe yakauya nekudeuka kweropa saka hazvigoni kuti iende nepenzura
Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rati harisi kufara nemashoko arinoti akaturwa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu nemusi weChina kumhemberero dzekuzvitonga kuzere kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare.

MDC T yati VaShamu vakataura mashoko ekuti ‘Zimbabwe yakauya neropa saka haifanirwi kuenda nepenzura’, ayo anonzi nebato iri anokonzera kusagadzikana munyika.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora vati chinonyanyosuvisa ndechekuti VaShamu vakataura mashoko aya mushure mekunge mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vataura mashoko ekukurudzira vanhu kuti vagarisane murunyararo, zvisineyi nekuti vanotsigira mapato akasiyana.

Mumashoko avo kuzvizvarwa zveZimbabwe, VaMugabe vakati vanhu havafanirwi kurambidza vamwe kupfeka mbatya dzebato ravanoda, sezvo vacho vari kurambidza vamwe vasina anovarambidzawo kupfeka mbatya dzebato ravo.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaShamu kuti tinzwe divi ravo pamashoko avanonzi vakataura aya.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG