WASHINGTON DC —
Goho remwaka uno regorosi yemuchando rinotarisirwa kuderera zvakanyanya mushure mekunge varimi vakawanda vegorosi iri vakundikana kudyara gorosi pakasvika zuva remusi wa 15 Chivabvu, iro rakanga rakatarwa sezuva rekupedzisira rekuti vange vawarika mbeu pasi.
Varimi ava vanoti kuita izvi nekuda kwekushaya rubatsiro rwemari.
Vashoma vanonzi vakawarika mbeu pasi ndivo vanonzi vari kushandisa mari dzavo, nevamwewo vashoma vanonzi vakakwanisa kuwana zvikwereti kubva kumabhanga.
Sangano revemabhanga, reBankers Association of Zimbabwe, rakazivisawo svondo rapera kuti vemabhanga vari kukundikana zvikuru kubatsira varimi, sezvo mabhanga aya asiri kuwanawo mari dzakawanda dziri kupinda dzichigara kwenguva mumabhanga aya.
Matambudziko aya anonzi ave kuita kuti vamwe vevarimi vegorosi remuchando ava varime zvimwe zvirimwa zvakaita sembatatisi nembambaira.
Nhengo yeZanu PF inomirira Uzumba muparamende uye vari murimi, VaSimbaneuta Mudarikwa, vanoti dambudziko guru riri kutarisana nevarimi inyaya yekushaikwa kwemari inobva kumabhanga, sezvo bhanga raikweretesa varimi mari, reAgribank, rakakanganiswawo nezvirango zvakatemerwa nyika.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekurima, VaMoses Jiri veMDC-T, vanoti varimi vegorosi vanofanirwa kubatanawo nevemabhanga pamwe nevamwe vanobatsira nemari, (contract farming) sezviri kuitika mune zvimwe zvirimwa zvakadai sedonje nefodya.
Vanoti izvi zvinozorerutsirawo varimi sezvo vanenge vasisatemwa nemusoro vachitsvaga mbeu nefotereza kana zvimwe zvinodiwa mukurima.