Accessibility links

Breaking News

Chirongwa Chekupinda Muvanhu Vachinyoreswa Chotanga neMuvhuro


Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, neChitatu vakazivisa kuti hurumende yakawana mari inoita mamiriyoni masere emadhora yekuita chirongwa chekupinda muvanhu vachinyoreswa kuitira kuti vazovhota.

Hurumende, iyo inogara ichinyoresa vanhu kumahofisi ekwamudzviti munzvimbo dzose dziri munyika, yaida mari inoita mamiriyoni gumi nematatu emadhora yekuti chirongwa chikupinda muvanhu chifambe zvakanaka. Asi bazi rezvemari rinonzi rakazongokwanisa kuwana mamiriyoni masere chete.

Chirongwa ichi chinonzi chinotarisirwa kutanga neMuvhuro mumawadhi ose enyika ari chiuru nemazana mapfumbamwe nemakumi mashanu ane masere. Asi VaChinamasa havana kuzivisa kuti chinopera riini.

Asi vamwe vanoti mazuva ekuita gadziriro mashoma zvikuru pachitariswa zvinonzi zvinodiwa nebazi ramabharani mukuru, iro richatungamira hurongwa uhwu, zvakaita semotokari pawadhi yogayoga, dzichashandiswa muchirongwa ichi.

Chirongwa ichi chaitarisirwa kutanga musi wa 3 Ndira, asi nekuda kwekushaikwa kwemari, chakatadza kusimuka.

NeMuvhuro mapato ezvematongerwo enyika akazoita musangano neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, vachikurukura nezvematambaudziko anonzi ari kusangana nevari kuda kunyoresa kuvhota.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo chirongwa ichi chakanonoka kutanga, vanofara kuti chave kuzoitika, uye vanokurudzira munhu wese, kunyange akanyoresa kare kunoona kuti zita rake richiri mugwaro revavhoti here.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti vanotenda zvakaitwa nedare remakurukota zvekuti chirongwa ichi chitange neMuvhuro. Asi vanoti bato ravo ragara richikurudzira nhengo dzaro kuti dziende kunonyoresa kuti dzizokwanisa kuvhota musarudzo.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vanotiwo kunyange hazvo mari iyi iri shoma, zviri nani nekuti chirongwa ichi chave kuzotanga, izvo zvichabatsira vanhu vakawanda, zvikuru vanga vachitadza kuenda kunonyoresa kumahofisi ekwamudzviti mumatunhu avagere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG