WASHINGTON DC —
Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti kuvharwa kwemakambani nekuda kwekuoma kwezvinhu munyaya dzeupfumi kwarimanikidza kudzikisa huwandu hwematunhu arichaitira mhemberero dzekucherechedza zuva revashandi, reMay Day.
Munyori mukuru wesangano iri, VaJaphet Moyo, vanoti mumakore apera zvinhu zvisati zvanyanya kuoma, uye makambani akawanda asati avhara kana kuderedza huwandu hwevashandi, sangano ravo raiita mhemberero idzi mumatunhu makumi matatu nematanhatu emunyika, asi gore rino sangano ravo richangoita mhemberero idzi mumatunhu gumi nemapfumbamwe chete.
VaMoyo vanoti mhemberero huru dzichaitirwa kunhandare yeGwanzura muHarare pasi pedingindira rinokurudzira vashandi kuti varongeke kuitira kuti vakwanise kukunda munguva yekuomerwa.
Vatiwo ZCTU ichashandisa mukana uyu kukurudzira hurumende nevashandirwi kuti mari inotambirwa nemushandi wepasi itangire paPoverty Datum Line, iyo iri pamadhora mazana mashanu nemakumi mashanu pari zvino.
Munyori mukuru wechikwata chenhengo dzeZCTU dziri kunyunyuta, chinozviti Concerned Affiliates of the ZCTU, VaRaymond Majongwe, vanotiwo chikwata chavo chichaunganawo kunhandare yeRaylton Sports Club muHarare pamwe nemaguta akawanda emunyika vachicherechedzawo zuva iri.
Vatiwo chikwata chavo chinodawo zvikuru kuti mari yemushandi wepasi pasi itangire panenge paine PDL.