Accessibility links

Breaking News

Rimwe Bato Idzva Rokwikwidzana neZanu PF neMDC Musarudzo?


Rimwe bato rezvematongerwo enyika, reZimbabwe Freedom Front, raparurwa muHarare kuti rigokwikwidza musarudzo dziri kutarirswa kuitwa gore rino, kunyange hazvo pasati pave nezuva rati ratarwa rekuita sarudzo idzi.

Bato idzva iri rinenge richitungamirwa naVaCosmas Muponda, avo vane makore makumi matatu nemapfumbamwe ekuberekwa, kunyange hazvo bumbiro remitemo richiti anoda kukwikwidza chigaro chemutungamiri wenyika ange ari munhu ane makore makumi mana.

Mutewedzeri wavo ndiMai Stella Guzha, uye munyori mukuru vari VaEnos Chaurura.

VaMuponda vanoti vaumba bato iri nekuda kwekuona kusafambiswa zvakanaka kweupfumi hwenyika, nezvimwe zvakadaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bepanhau reHerald rinoti mapato aratidza chido chekupinda musarudzo dzegore rino anodarika makumi maviri nemasere.

Mamwe emapato matsva uye ari madiki anosanganisira FreeZim Congress, African National Party, Rebuilding Party of Zimbabwe, Voice of the People, African National Council, Multiracial Christian Democrats, Zimbabwe Development Party, Zimbabwe Progressive Party, nePopular Democratic Front.

Izvi hazvisi zvitsva, sezvo nguva yose panenge nyika yatarisana nesarudzo, mapato matsva ezvematongerwo enyika anonyuka asi achizongotsakatika kana sarudzo dzapera.

Mutungamiri weFreeZim Congress, VaJoseph Busha, vanoti bato ravo rinoona kuti vanhu vakarwira rusununguko ndivo vazhinji vevari kutambura, saka bato ravo rine han’ya nevanhu.

Vanotiwo bato ravo richakwikwidza muzvigaro zvose munyika, kusanganisira chemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri webato reMultiracial Christian Democrats, VaMathias Guchutu, vanotiwo bato ravo raona huwori huchipetwa katatu kubva pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa, izvo zvavati zvinofanirwa kurwiswa nebato ravo rinotya Mwari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG