Accessibility links

Breaking News

Kusashambadzwa Zvakakwana Kovhiringa Chirongwa Chekunyoresa


Apo chirongwa chekunyoreswa kwevanhu kuti vazokwanisa kuvhota musarudzo chapinda musvondo repiri, vamwe vagari vemuBulawayo vachiti havasi kufara nekusashambadzwa zvakasimba kwechirongwa chehurumende ichi kuitira kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo.

Mumwe mugari wemuBulawayo. VaWilliam Sithole, avo vaenda kunonyoresa paIminyela Hall, vanoti veruzhinji havasi kuziva nezvechirongwa ichi, nokudaro chinoda kushambadzwa zvakasimba.

VaSithole vanotiwo kutadza kudyidzana zvakakwana munyaya yekufambiswa kwemashoko pakati pehofisi yamabharani mukuru wenyika nemahofisi ekwamudzviti, zviri kupa kuti vanhu vane vabereki vekunze, asi ivo vakaberekerwa munyika, vaore moyo.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaOwen Ndlovu, vanotiwo vechidiki vekuMatabeleland neMidlands vachada rubatsiro rwekuti vawane magwaro anoita kuti vakwanise kunyoresa, sezvo vazhinji vavo vakafirwa nevabereki munguva yegukurahundi.

Chirongwa chekupinda muvanhu vachinyoreswa muBulawayo chichange chiri paLobengula Secondary School neChipiri, chozoenda kuMagwegwe neBeit Hall neChitatu. Chirongwa ichi chinotarisirwa kupera musi wa 19 Chivabvu.

Ukuwo, vamwe vagari vekuGokwe-Gumunyu mudunhu reGokwe North kuMidlands vanotiwo kubva pakaparurwa chirongwa cheZimbabwe Electoral Commission, ZEC, ichi hapana kana mushandi wekumahofisi aya ati asvika mudunhu mavo.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, uye vari mutevedzeri wasachigaro webato reMavambo-Khusile-Dawn mudunhu reMashonaland West, VaTofaranashe Gumbo, vanoti nekuda kwekusaziva mafambiro ari kuita chirongwa ichi, vamwe vagari vemudunhu ravo, iro rine mawadhi mapfumbamwe, vave kuedza kuenda kunonyoresa kumahofisi ari kure.

Zvanziwo zvinodiwa ikoko zvave kuvaodza mwoyo, sezvo vazhinji vasina zvinhu zvacho zviri kudiwa kunynage hazvo dare remakurukota rakabuda neamatanho ekurerutsa zvinhu munguva dzekunyoresa.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vekumahofisi eZEC sezvo mahofisi avo anga avharwa pataita nyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG