Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rokurudzira ZEC Kuti Ishambadze Kunyoreswa kweVanhu


Voters n Harare
Voters n Harare
Dare remakurukota rinonzi rasangana muHarare rakakurukura nezvechirongwa chekunyoreswa kwevanhu kuti vazokwanisa kuvhota.

Vane ruzivo nezvaitika vanoti dare iri rawirirana kuti hofisi yamabharani mukuru wenyika inofanirwa kugadzirisa nekusakasika zvinyunyuto zviri kubva muvanhu pamusoro pematambudziko avanonzi vari kusangana nawo.

Dare iri rinonziwo rawirirana kuti chirongwa ichi chishambadzwe zvakasimba zvikwata zvekwa Registrar-General zvisati zvapinda munzvimbo dzavanoshandira.

Imwe nhengo yeJOMIC inotiwo vaudzwa nemumwe mushandi mukuru wekwaRegistrar-General kuti vane dambudziko remichina yavari kushandisa uye kuti havana vashandi vakakwana pamwe nekuti nguva yavakapihwa kuti vaite basa iri ishoma chose.

Vari kuda kumirira MDC T musarudzo mudunhu reUzumba, VaPeckson Kazingizi, vanoti vari kushushikana nenyaya yekuti vari kuda kutora zvitupa vari kunzi vabhadhare mari, kana vasina mari vobhadhara nehuku.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumiriri weGoromonzi North muparamende vachimirira Zanu PF, VaPaddington Zhanda, vanotiwo kunyange hazvo chirongwa ichi chatanga neChipiri mudunhu ravo, vane chivimbo chekuti chichafamba zvakanaka sezvo vakachishambadza zvakasimba ivo pachavo pamwe nemakanzura emudunhu mavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Vanoda kuziva zvizere nezvemazuva achaitwa chirongwa ichi mumatunhu avo endai pa http://zimbabweelection.com/registration-centres/ moisa dunhu renyu.
XS
SM
MD
LG