WASHINGTON DC —
Matare eparamende akatambira bhiri rebumbiro remitemo idzva, izvo zvaita kuti richingomirira kusainwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, chero nguva kuti uchive mutemo.
Tarisiro hombe yavepo yave yesarudzo, idzo dzakanzi naVaMugabe dzinofanirwa kuitwa mwedzi mitanhatu yekutanga kwegore kana kuti panopera hupenyu hwedare reparamende musi wa 29 Chikumi.
Asi magweta maviri anoti, VaJonathan Samkange, avo vanoshanda neVenturas and Samkange pamwe VaVitalis Mudzonga vanoshanda neMwonzora and Assciates, vati pasi pebumbiro remitemo idzva iri, iro rinoti mapato anenge otarisirwa kuwana zvigaro zvinoenderana nemavhoti aanowana musarudzo (proportional representation), pachine zvakawanda zvinofanirwa kuitwa pasati paitwa sarudzo.
VaMudzonga vati VaMugabe vane mazuva makumi maviri nerimwe ekuti vasaine kana kusasaina gwaro rebumbiro iri kuti uve mutemo.
Zvimwe zvezvinhu zvinonziwo zvinofanirwa kutanga zvagadziriswa pasati paitwa sarudzo zvinosanganisira dzidziso yesarudzo muvanhu kwemazuva makumi matatu, pokurudzirwa vanhu kuti vanyorese kuvhota kwemazuva makumi matanhatu, pogadzirwa gwaro revavhoti mukati memazuva makumi matanhatu, pozoongororwa gwaro revavhoti iri mukati memamwe mazuva makumi mana nemashanu.
Paragirafu 6 Schedule 6 yegwaro rebumbiro remitemo idzva iri inokurudzira kuti hofisi yamabharani mukuru ichiongororwa neZEC ione kuti paitwa chirongwa chekunyoreswa kwevanhu kuti vazokwanisa kuvhota mukati memazuva makumi matatu gwaro rebumbiro iri ratambirwa kuve mutemo.
VaSamkange vatiwo kana dare reparamende rakaparadzwa, hutungamiri hwenyika hunokwanisa kufambisa nyika kusvika pazoitwa sarudzo, dzinozoita kuti paumbwe rimwe dare reparamende.