Accessibility links

Breaking News

Nyaya dzeKurima Dzinonzi Dzichakadzikira Munyika


Makore makumi matatu nematatu nyika yawana kuzvitonga kuzere, veruzhinji vanenge vaine tarisiro yekuti zvinhu zvinge zvashanduka mumapoka akawanda anosimudzira nyika asi zvizhinji zvinonzi zviri kutodzikira pasi.

Rimwe remapoka aya nderekurima, iro raisizivikanwa nekupa nyika mari yakawanda kwazvo.

Makore mazhinji nyika iri kutarisana nenzara ichizopedzisira yotenga chibage kubva kunze. Gore rino, Zimbabwe iri kutarisirwa kutenga matani zviuru zana nemakumi mashanu echibage kubva kuZambia.

Vanoongorora nyaya dzezvekurima vati zvinhu zvatodzikira zvakanyanya zvichienzaniswa nemakore gumi ekutanga nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Zvimwe zvezvinonzi zvakawedzera kudzikira uku inyaya yekutorwa kweminda pasi pechirongwa chekupa ivhu kuvanhu vatema, kushaikwa kwezvikwereti nevarimi vechitema vakagariswa patsva, mamiriro ehupfumi hwenyika pamwe nekusanduka kwemamiriro ekunze.

Vamwe vati hurumende haina zvikuru zvairi kuita kubatsira varimi nezvinodiwa pakurima, vamwewo vachiti kushaikwa kwemagetsi nguva dzose kuri kutadzisa varimi kurima zvirimwa zvakaita segorosi yemuchando vachidiridzira.

Mamwe masangano akazvimirira ari kuedzawo napose paanogona napo kubatsira varimi nembeu kana zvipfuyo mukuedza kuvasimudzira.

Nyanzvi munezvekurima vachishanda vakazvimirira VaThomas Nherera vanoti varimi vanofanirwa kudzidza nezvekushanduka kwemamiriro ekunze, kuitira kuti vagoziva nguva yekuvarika mbesa dzavo.

Vakurudzirawo varimi vakagariswa patsva, avo vavati vari kuerdza zvikuru kurima, kunyange hazvo vasingazosviki pane vachena vakatorerwa minda, kuti varime nzvimbo duku dzavanokwanisa kushanda kwete kurima minda yose vasingazokwanisa kuishanda.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekurima uye vari mumiriri weChikomba Central vachimirira MDC T, VaMoses Jiri vati hurumende iri kuedza pose painogona napo kubatsira varimi asi hainawo mari yakakwana yekuita izvi.

VaJiri vati hurumende iri kukurudzirawo varimi kuti vashande zvakasimba nevarimisi, kuita kuti vabatsirwe neruzivo rwunozovayamura mune ramangwana.
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG