Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vanoti Hapana Chashanduka paChirongwa cheKunyoresa Kuvhota


Chirongwa chehurumende chekupinda muvanhu ichivapa mukana wekunyoresa kuitira kuti vazokwanisa kuvhota musarudzo, chapinda muzuva repiri neChipiri pasina zvizhinji zvashanduka kubva kumatambudziko aisanganikwa nawo neMuvhuro pachakaparurwa.

Vamwe vataura neStudio7 vanoti zvikwata zvebazi ramabharani mukuru wenyika zviri kupinda mumatunhu avo zvinofanirwa kunge zvichibata mawadhi anosvika kumashanu kana kupfuura panguva imwe chete.

Asi mune dzimwe nguva panenge paine gwaro revavhoti rewadhi imwe chete chete.

Vamwe vanoti vachiri kunzi vaende netsamba dzinobva kumasabhuku, uye kubhadhariswa mari dzekuti vakwanise kupiwa zvitupa, kunyange hazvo hurumende yakazivisa kuti hapana vachabhadhariswa mari pasi pechirongwa ichi.

Vashandi vekumahofisi ekwamabharani mukuru vanonzi vari kuti havana kuudzwa nevakuru vavo nezveshanduko dzinonzi dzakakurudzirwa nedare remakurukota kuti dziteverwe muchirongwa ichi.

Veruzhinji nemamwe masangano akazvimirira vari kushorawo kwavanoti kusarongeka kwekomisheni iri kutungamira hurongwa uhwu, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, uye kusashambadzwa zvakakwana kwechirongwa ichi.

Vamwe vati vari kuita zvekunzwa kubva kumapato ezvematongerwo enyika avanotsigira.

Vamwe vagari vekuMarondera East vati vakundikana kunyoresa sezvo panga pasina vashandi vekumahofisi amabharani mukuru kana vekuZEC vashanyira nzvimbo yavo.

Mumwe wevanhu vanga vari mudunhu iri ndiAmai Tracey Mutinhiri, avo vakadzingwa muZanu PF, uye vave nhengo yeMDC T iri kuda kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga vanhu vachamirira bato iri musarudzo dzenhengo dzedare reparamende. Amai Mutinhiri vanoti hapana chafamba munzvimbo iyi.

Imwe nhengo yeMDC T mudunhu iri, VaForbes Kuche, vanotiwo vanga vachida kugadzirisa chitupa chavo sezvo vaine vabereki vakaberekerwa kunze kwenyika, asi vakundikana.

Bato reMDC T rinoti pane chirikibidi chiri kuitwa muchirongwa ichi, kuitira kuti vanhu vatadze kunyoresa.

Asi bato reZanu PF rinoti zvinhu zvose zviri kufamba zvakanaka. Mumiriri weUzumba muparamende, VaSimba Mudarikwa, vanoti chirongwa chemudunhu ravo chakatanga zvakanaka pazvitoro zvepaNhakiwa.

Asi mukuru wesangano reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vatsinhirawo kuti chirongwa ichi hachina kugadzirirwa zvakakwana, vakati hapana zvikonzero zvekuti hurumende imhanyire kuita zvinhu zvaisina kugadzirira.

Vatiwo vanovimba kuti ZEC ichagadzirisa matambudziko ari kusanganikwa nawo pari zvino kuitira kuti munhu wese anoda kunyoresa kana kutora chitupa kana gwaro rekuberekwa akwanise kubatsirwa.

Studio7 yakwanisa kubata mukuru anoona nezvesarudzo mu ZEC, VaLovemore Sekeramayi, asi vati tiite zvekuvatumira mibvunzo yedu kuti vakwanise kuti batsira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG